‘GRADE 7, O-LEVEL TINOZVIDA’ . . . Vabereki nevana voti bvunzo dzakakosha

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VABEREKI nevana vechikoro vari kupokana nepfungwa dzamuzvinafundo Caiphus Nziramasanga dzekuti vadzidzi vange vachiregedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 neO-Level vachiti kana izvi zvikatevedzwa zvinokanganisa zvikuru budiriro iripo pari zvino muchikamu chedzidzo munyika.

Dr Nziramasanga, avo vakambotungamirira ongororo yaive yakananga kutsvaga nzira dzekuvandudza dzidzo munyika, chePresidential Commission of Inquiry into Education and Training Report, vanoti bvunzo dzeGrade 7 nedzeOrdinary Level hadzisisina basa uye dziri kudhura mukunyorwa kwadzo.

Vanoti bvunzo idzi dzakamboda kubviswa mugore ra1997 asi hurongwa uhu hukazoregedzwa apo pakagadzwa dare idzva reCabinet.

Sekutaura kwaDr Nziramasanga, bvunzo dzeGrade 7 neO-Level dzinofanira kubviswa uye vadzidzi voongororwa nguva nenguva kubvira kukireshi kusvika A-Level pasina kunyorwa kwebvunzo.

Vanoti zvakare kunyorwa kwebvunzo idzi chirongwa chakatangwa nehurumende yemabhunu Zimbabwe isati yawana kuzvitonga kuzere uye izvi zvaitirwa kuti vanhu vatema vasawana mukana wekudzidza kusvika kumayunivhesiti nemakoreji.

Zvakadaro, Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vevaverengi vayo pamusoro penyaya iyi zvikabuda pachena kuti vazhinji vavo vanoda kuti bvunzo idzi dzirambe dzichinyorwa.

Mai Laina Mapfumo (34) vekuChitungwiza vanoti zvekuti bvunzo idzi dzimiswe hazvina maturo zvachose sezvo dzakakosha pakuti vadzidzi vaenderere mberi nefundo yavo.

Vanoti: “Isu sevabereki, tinoona bvunzo dzeGrade 7 neO- Level dzakakoshera vana vedu nekuti ndidzo dzinoita kuti tinge tichiona kuti voenderera mberi here kana kuti vodzokorora. Kana vana vakangoendeswa kuForm 1 vasina kunyora bvunzo dzeGrade 7 hapana chinonobuda, zvinenge zvangofanana nekusundira mombe kumashanga.”

Kudzai Mataringe (14), uyo ari kuita Formu 1 paSt John’s High, kuMasvingo, anotiwo bvunzo idzi dzakakosha. “Chakakosha kudzidza munhu uchiziva kuti uri kugona here kana kuti kwete. Tinoda kuti Zimbabwe irambe iine nhorowondo yekuva pamberi nedzidzo. Zvino kana bvunzo dzikasanyorwa nhorowondo yacho inoonekwa sei?” anobvunza VaDavid Kunaka (64) vekuSunningdale, muHarare, vanoti vanamuzvinadzidzo ngavasiyane nekutaura nyaya isinei nebudiriro yedzidzo.

“Nyaya dzavanotaura hadzina maturo. Ko, vana vakasanyora bvunzo vanozoenderera mberi sei?” vanodaro.

VaOnismo Nhema (37) vekuSunningdale zvekare, vanoti bvunzo dzeGrade 7 neO-Level dzinofanira kuramba dzichinyorwa.

“Handi vose vabereki vanozogona kuendesa vana kuchikoro kusvika vazonyora bvunzo paA-Level, vazhinji vanogumira paO-Level kana Grade 7 vachibva vatangisa kutsvaka mabasa. Saka kana pasina zvitupa kureva kuti kuregedza kuenda kuchikoro zvachose kuri nani,” vanodaro VaNhema.

VaTrust Sagambe (32) vanotiwo mashoko aDr Nziramasanga akangofana nekuti vana vose vacheche vachiregedza kuenda kusikero.

“Ehe, zvakangofanana nekuti vaudze vabereki kuti kubvira paye pavanozvara vana vachiregedza kuenda navo kusikero. Zvinenge zvichiratidza kuti havachina hanya yekuona budiriro kana kudofora kwevadzidzi muzvikoro, vongoti regai zvikurirane sora nembeu toona pakukohwa,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaAnxious Muzazaranda (46) vachiti pane kuswero taura zvekuda kuti mazamanishoni aya abviswe, panofanirwa kutorwa matanho ekuti bvunzo idzi dzinyorwe pachena nedonzvo rekurerutsira vabereki.

Vamwe vadzidzi vepaGeorge Stark, avo vari kuita Form 4, vanoti Naome Kopa (16), Syntiche Mukuna (16), Kudzai Chiropa (16), Cruise Savanhu (16), Maclolen Zulu (16) naTawana Mabasa (16) vanotsigirana pakuti bvunzo idzi dzakakosha sezvo dzichivabatsira mukuronga remangwana ravo.

“Izvozvi tiri kuenda kuchikoro kunofunda pazororo nekuti tiri kutogadzirira bvunzo dzeO-Level. Saka kana zvikanzi tirege kudzinyora tinorwadziwa nekuti hapana munhu anozoziva kuti takambodongorera pamusuwo wechikoro kana tisina zvitupa,” anodaro Naome, vamwe vachi ndokutsinhira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey