GRADE 7: Vana vemhuka

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MUCHIMWE chikamu chakapfuura, takambotarisa vana vemhuka dzinopfuyiwa pamusha asi handina kunge ndabata dzose. Naizvozvo ndichangoti batei shoma dzakasara ndozonyatsopinda mune dzemugwindingwi. Garakuni rinochengetwa pamusha apo rinodyiwa zvose nyama nemazai. Garakuni gono rinonzi jongwe. Mwana wacho anonzi nhiyo uye kana risati rabereka rinonzi sheshe kana rabereka ronzi nhunzvi.

Hangaiwa dzinochengetwa zvakare pamusha asi kune dzemusango dzinonzi hanga. Hanga dzinopfuyiwawo pamusha. Mhuka dzemusango idzi handizokwanise kudzipedza dzose asi ndichabata dziya dzisinganyanyotaurwe nezvadzo. Mvuu imhuka inogara mumvura chero zvazvo dzimwe nguva ichimbobuda panze kunofura. Mvuu hadzi kana hono inongonzi mvuu.

Kana ava mwana wayo ndiye anonzi handachibvuwa. Kune mhuka inotambira mumvura uye inorarama nekudya hove nemakangadye. Mhuka iyi inofamba husiku chete uye inoburitsa hwema hunonzwikwa chero yapfuura.

Mhuka iyi inonzi mbiti. Rimwe zita rembiti ndibinza kana kuti denhe. Kana iri hono inongonzi mukono wembiti mwana wayo zvekare anongonzi mwana. Mbizi imhuka inoda kufanana nembongoro kana bhiza zvozosiyana nekuti ine mitsetse kana kuti mavara machena nematema. Mwana wembizi anonzi njenjeta. Mbizi hadzi yonzi gurakuzi.

Mhara hono inonzi honde, hadzi yacho yonzi gurakuzi. Mwana wemhara anonzi mhuru.

Mhembwe imhuka yakada kufanana nemhene asi kuti mhene yakatsvukira.

Mhembwe hadzi inonzi dembwa. Kana isati yabereka inonzi nhunzvi.

Mwana wemhembwe anonzi tsvana kana kuti hwishu. Mwana iyeye anodaidzwa zvekare kuti chimera. Mhembwe hono inonzi dimbura.

Nhoro hono kana ichiri diki inonzi shurana, kana yakura inongonzi mukono wenhoro. Hadzi inonzi marumbeni kana kuti gurungadzi.

Nyati imhuka yakada kufanana nemombe asi iyo ine mhumhu mukuru. Nyati hono inonzi rambwa. Kana ichiri diki ingavi kana yakura yave handira kana kuti nguzi. Nyati hadzi inonzi nyina n’ombe.

Kana yabereka inonzi mhou. Mwana wenyati anonzi mhuru. Mhuru idzi dzine mazita adzo zvichienderana nemuzera wadzo. Ichangoberekwa inonzi munava kana kuti nhedzana, kana iri yakarumurwa inonzi gondora, kana iri mhuru hadzi yonzi borombe.

Tsoko hono inongonzi hono asi kana hono iyoyo yachembera inonzi hwandamakwakwa. Kana iri hadzi ingori tsoko hadzi asi mwana wayo anonzi shokorana kana kuti shokorupani.

Mukono wenjiri anonzi hwami asi hadzi yacho ingori njiri hadzi. Mwana wenjiri anonzi chenjere.

Mhofu hono inonzi hunzvi asi mwana wacho anonzi mhuru. Mwana wedzomo anonzi tsvana kana kuti hwishu.

Anonzi zvakare gurukuru. Mukono wedzomo unonzi hwete.

Share This:

Sponsored Links