Uncategorized

Gudo vhuu ku‘small-house’

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Gudo vhuu ku‘small-house’

Kwayedza

— N’anga inoworora vanotora vakadzi, varume vevaridzi

Kingstone Mapupu —
IMBOFUNGA izvi! Uri kusasana zvako nemudzimai kana nemurume wemuridzi — mungava mumba kana muhotera. Makaita “kunyn’ura” murudo kudaro, ndipo pamunoerekana moona gudo richisvika pamuri, richiuchira mawoko richiti rauya kuzotora angave murume kana kuti mudzimai waunenge unaye.

Gudo iri rinotaura zita rako neremunhu waunenge uchisasana naye, rokupa nguva yekuti unofanirwa kunge wamudzora kana kuti wasiyana naye uye kukundikana kwako unenge wazvisikira moto muziso.

Uriwe unoita sei?

KAMWELO

Iyi haisi imwe yenyaya dzinobuda mumafirimu kana kuti bhaisikopu, asi kuti izvi zvinonzi ndizvo zviri kuitwa dzimwe “mbavha dzerudo” nen’anga inogara mumusha weCranborne, muHarare.

N’anga iyi inoti inoshandisa makudo, nyoka kana zvipoko kunoreva zvikwereti nekudzora vakadzi vanenge vapengesana nezvikomba kana kudzosa kumba vaya varume vanenge vatiza mhuri dzavo vachinobika mapoto neshamwarikadzi.

Sekuru Kamwelo Kamwelo Banda (44) — avo vanobva kuKatuli, kuMalawi — vanoti vabatsira varume nemadzimai vakawanda kudzosa rudo muwanano vachiita zvekutumira nyoka nemakudo kune vaya vanoita zvegumbo mumba, gumbo kunze.

“Kutaura kuno ndine mumwe mudzimai wandakashandira anoshanda muchimwe chezvitoro zvikuru muno (zita tinaro), uyo ainge atizwa nemurume wake achinogara kushamwarikadzi. Murume wake akadzoka kumba kwake musoro umire achitiza gudo randakatumira kusmall-house ikoko vasingazvifungire.”

Vanoti vakatumira gudo kumba kwesmall-house iyi uye nyaya iyi yakazozivikanwa nevemunharaunda yavanogara izvo zvave kuita kuti vatadze kufamba vakasununguka. Vanoti vabatsira vanhu vakawanda avo dzimba dzavo dzange dzoda kuparara.

Kunze kwaizvozvo, Sekuru Banda — avo vanova nhengo yeZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) — vanoti vanogadzira mbavha, dzimwe dzichisara dzave kukekedza sehuku, kukuma kana kuita ndove semombe sezvavakaita mamwe matsotsi emombe ekuMhondoro-Ngezi nguva yadarika. Zvinoenderana nechabiwa.

Zvipoko zvavanoshandisa vanoti mweya yevanhu vakafa iyo yavanomutsa kumakuva kuti zvinorwisa kukanganisirwa kunenge kwaitwa munhu.

“Ndinogadzira makudo — horomba chaidzo akangofanana neemusango — nyoka huru nekumutsa vanhu vakafa totuma zvipoko zvavo kungava kunoreva zvikwereti nekunoreva pfuma kumukuwasha ari kunetsa. Zvinogona zvakare kunotora mudzimai anenge akabvutwa nechikomba, kudzosa varume vasingabvire mumarokwe avo vanotizira kumasmall-house,” Sekuru Kamwelo vakaudza Kwayedza nemusi weChishanu svondo rapera.

Vanoti mhuka nezvipoko izvi zvinosvika zvichitaura nezwi remunhu anenge akanganisirwa wacho, mutupo wake nekwaanobva.

“Kana akatorerwa mukadzi zita rake achinzi John, makudo anosvika dachiti, ‘Ndini John wekwaMurehwa wemutupo weShumba Nyamuzihwa, ndauyawo pano kuzotora mudzimai wangu’. Kana achinzi Susan zvinotaurawo sekudaro, zvodudzira zita remurume wacho akatora.

“Ipapo munhu uyu anobva apihwa nguva yekudzosa zvinhu, kunyangwe ari mudzimai musi wakare,” vanodaro.

Murimwe reshura ravachangobva kuita, Sekuru Banda vanoti nguva pfupi yadarika, kune murume wekuBuhera akanga atiza nemudzimai wemuridzi uyo waakatora kuChivhu. Vakamutumira makudo akanotaura naye ndokubva amudzosa mushure memazuva maviri.

Vanoti makudo, nyoka nezvipoko kazhinji hazvitumwe nguva imwe chete, asi kuti zvinopihwa mabasa akasiyana.

“Makudo anoenda oga, nyoka dzichiendawo dzoga, zvipoko zvichidarowo – zvonobaka moto kuchenesa pamubhedha wamurere kana kutaura newe. Kashoma apo tinozvitumira panzvimbo imwe chete, tinotyira kuti zvinonoita hasha zvikakuvadza vanhu sezvo tichizvigadzira nemishonga yakasimba.”

Vanotizve kune vanhu vanenge vabirwa zvinhu zvavo, mhuka kana zvipoko zvinoenda kunodzosa zvabiwa — mbavha dzacho dzichitodzoka dzoga.

N’anga iyi inoti inoshanda pamwe chete nemumwe chiremba wekuGhana anonzi Omani Omani.

“Mhiko dzemishonga yedu ndedzekuti mukadzi wemunhu haatorwe, uyewo murume wemunhu haabatwe. Ukangewo wakwereta chinhu chemunhu, dzosa nenguva kana washaya wotaura. Zvakare usabe zvinhu zvavanhu,” vanodaro Sekuru Banda.

Godobori iri rinobuda pachena kuti basa rarinoita harina kumbosiyana nekuroya.

“Makavi emiti nemachira chaiwo anorukwa zvopindurwa kuita nyoka dzinoruma vanhu.

‘‘Hakuna mhuka isingagadzirwe nemishonga yechivanhu, kana gonzo chairo rinokupindira mumba.

“Izvozvi pandiri pano ndakangofanana nemuroyi, saka muchinzwa zvichinzi n’anga muroyi. Ini nditori muroyi uye ndinodada nazvo.”

Vanotiwo kunze kwenyoka nemakudo, vanogadzirawo zvinyaride.

“Kunze kwazvo, kana taona kuti tanyanya panyaya yemakudo, nyoka nezvipoko, tinogona kugadzira mishonga yezvinyaride kana kuti marize nemasvosve emashingishingi kana emhamhatsi totumidzira kumba kwako. Izvi zvidiki hazvitaure, zvinosvika zvichikuruma chete kana kuzara pamibhedha pamunorara nemadzimai evanhu kusvikira iwe wadura mhosva yako.

“Unopatiza chete kana kunodzosera mudzimai wemuridzi,” vanodaro.

Sekuru Banda vanoti vanoshandira vanhu vemunyika muno nevekunze.

“Zvinhu zvedu hazvina mhosva kuti kure zvakadii, zvinonopedzerana ikoko,” vanodaro vari muimba izere mishonga, machira, hari nezvimwe zvinotyisa.

Mishonga yavo vanoti vanoitora kunyika dzinosanganisira Ghana, Benin, Malawi, South Africa, Zambia, Mozambique nemuno.

“Mimwe mishonga yedu tinotuma idzo mhuka idzi kunochera, mishonga inowanikwa mumvura tinoendesawo makarwe, mbiti nenyoka dzemumvura.”

Zvinhu zvinotumirwa izvi vanoti zvinoonekwa chete neavo vatumirwa vacho asi vamwe vanhu vasingazvione, izvo zvavanoti zvakangofanana nemasaramusi.

Vachibvunzwa neKwayedza kuti zvinhu zvavo zvinoshanda here kana kuti inongova nzira yekutsvaga nayo mari kuvanhu, Sekuru Banda vanovhundutsira mutori wenhau uno kuti amboedza kutora mudzimai wemunhu nyaya iyi yosvika kwavari agozvionera pamhuno sefodya. “Iwewe imbozviedzaka, tora mukadzi wemuridzi nyaya yacho igosvika kwandiri.”

Vanoti mishonga yechivanhu haina kuipa uye inhaka yemusiiranwa.

“Ndinoshora zvikuru vanhu vatema vanofunga kuti kushandisa mishonga yechivanhu kwakaipa. Pachinyakare, vanakomana vose nevanasikana vaienda kumadzisekuru nemadzimbuya vonodziziswa zvinodiwa vasati vapinda mudzimba nekusimbiswawo misana,” vanodaro.

Chiremba uyu akaroora, ane vana vatanhatu uye anoti akatanga basa rekurapa mugore ra2001 mushure mekushaika kwasekuru vake vainzi VaZhuwakinyu kuMalawi avo vaiva neshavi raanoti rava paari.

“Kufamba kwangu muruzhinji kwava kunetsa, saka ndinopfeka mbatya dzinoita kuti veruzhinji vasandizive kana ndisiri kuita basa rangu.”

Murume uyu anopinda chechi yechiMoslem.

“Ndinowana nguva yekunamata Mwari kuburikidza nechechi yedu uko tinoverenga bhaibheri redu rinotipa hunhu.

‘‘Asi hazvipokane nekushandisa mishonga uko tinoita,” vanodaro.

Mumba yavanoshandira, mune hari huru dzinomonerwa nemachira akasiyana pazuva roga-roga, mamwe matsvuku, machena, egreen, matema neeretso.

Mune ndiro dzakabairirwa tsono.

Share This:

Sponsored Links