Uncategorized

Gumbeze rekuba ropfuka

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Gumbeze rekuba ropfuka

Kwayedza

. . . apa muridzi waro akafa . . . hama dzoti ‘taita vatete’

Kingstone Mapupu —
MURUME tsotsi anogara kwaMambo Mabhena, kuNyamadhlovu, kudunhu reMatebeleland North, anoti humbavha hwakamuparira zvichitevera hupofu hwaave nahwo uhwo anoti hwakauya mushure mekunge aba gumbeze remumwe munhu aimuchengeta apo aitsvaga basa kunyika yeSouth Africa.

Maqhawe Mlothswa (43), uyo anobva mubhuku raAaron Ndlovu, ane fungidziro huru yekuti murume waakabira uyu — uyo anove chizvarwa chemuZimbabwe – akamugadzira nemushonga izvo zvakakonzera kuti aite bofu.

“Ndakaenda kuSA mugore ra1996 ndichitsvaga basa ndokunosangana nemukomana aimbofudza mombe kumba kwedu ainzi Stanley Ngwenya uyo ainge ave kushanda ikoko kuSandton. Ndakagara naye, ndikazowana basa kure apo ndakazongobva pamba apa ndisina kumuoneka.

“Pandakabva ndakamubira gumbeze rake. Handina kuzoita mazuva apo ndakangoita bofu zuva rimwe chete zvandisina kunzwisisa,” anodaro.

Murume uyu anoti akagara kuchimwe chipatara chekuSouth Africa kwemasvondo maviri apo akazodzoswa kumusha ndokunogara kumba kwevabereki vake panhamba 56113 kuOld Lobengula, kuBulawayo.

“Ndadzoka kumusha kudaro, mugore ra2009 ndakazosangana nemumwe murume akangonditi handina kupofomara. Akati ndinofanirwa bedzi kudzokera kunokumbira ruregerero kumurume wandakabira gumbeze kuSouth (South Africa) uye akati kana ndikadaro ndinobva ndatanga kuona,” anodaro Mlothswa.

Anoti vakasangana nemuporofita uyu apo vaienda kunosonesa bhutsu nemuzukuru wake, Mbongeni Zulu (24).

“Murume uyu aipenda pabhawa reMkwananzi, iko kwakare kuOld Lobengula. Paakataura mashoko aya, zvakabva zvadzoka mupfungwa dzangu kuti chokwadi, ndakaba gumbeze remunhu.

“Takazoedza kutsvaga Stanley Ngwenya kuti ndimukumbire ruregerero tikazonzwa kuti akafa. Hama dzacho kwasara vana vadiki, vose vanoti havana chavanoziva nekuda kwenyaya iyi,” anodaro.

Murume uyu anoti anokumbira kubatsirwa padambudziko rake iri. Mlothswa – uyo asina kumbobvira akaroora kana kuve nemwana – anoti kunze kwehupofu, ava kurwarawo netsviyo uye nhengo yake yesikarudzi “hapana hapana”.

“Ndava nedambudziko retsviyo uye hapana chekuti ndiri murume. Mhuno dzangu hadzinzwe munhuhwi ungava wakaipa kana wakanaka,” anodaro.

Hanzvadzi yake — Nondunduzo Ndlovu (48) — anoti vapedza mari nekuenda kumaporofita nekun’anga vachitsvaga rubatsiro asi hapana chiri kubuda.

“Machiremba echiRungu ari kuti akadambuka tsinga dzemaziso, kune vemweya vachiti haasi bofu, anofanirwa kuona akangonokumbira ruregerero. Zvino akabirwa wacho akafa kare,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhamba dzinoti 0713 011 804.

Share This:

Sponsored Links