Gumbonzvanda hutu nemukombe

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Gumbonzvanda hutu nemukombe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) riri kupa chenjedzo kuvana vechikoro nevamwe veruzhinji pamusoro pekudzivirira tsaona dzemumigwagwa kumaruwa, kunyanya dzinokonzerwa nekushaya hanya kwevatyairi vedzimotokari, ngoro, midhudhu nemabhasikoro.

Svondo rapera, sangano iri rakaronga mitambo yenhabvu paSt Anne’s Goto High School, kuWedza yemazera ose kubvira kuZero Grade kusvika kuvanhu vakwegura vemunharaunda.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota rezvemitambo – Cde Makhosini Hlogwane, avo vaive muenzi anoremekedzwa – vanoti vari kushanda nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari mukusimudzira nyaya dzemitambo muzvikoro.

“Mitambo yaitwa pano nezvikoro zvemunharaunda muno, yeMadanha Soccer and Netball Tournament, yakakosha zvikuru nekuti ndimo muchasarudzwa vachanomirira chikwata chichanotamba mutambo mukuru mudunhu kuMarondera.

“Ticharamba tichitsigira mitambo iyi nekuti ndimo muchaburwa shangwiti dzevatambi vanozonomiririra nyika kunze,” vanodaro.

Vanotenda mumiriri weWedza South mudare reNational Assembly, Engineer Michael Madanha, nekutsigira kwavanoita mitambo yemunzvimbo mavo.

Eng Madanha vakabatsira vatambi ava nemayunifomu, shangu, mabhora uye chikafu.

Mitambo iyi yakapindwa nezvikoro 42 uye zuva iri rakaona Gumbonzvanda Secondary School ichitora mukombe mumitambo yose.

“Mitambo inobatsira mukusimbisa miviri uye inomutsira vanhu mabasa nekuti kune zvipo zvakahwanda muvanhu zvataona nhasi izvo tiri kutarisira kusimudzira,” vanodaro Eng Madanha.

Mukuru anoona nezvekushambadza kuTSCZ, VaTatenda Chinoda, vanoti kumaruwa kunowanda tsaona dzengoro uye mabhasikoro, nokudaro vakaona zvakakosha kuti vadzidzise veruzhinji maringe nemafambiro akanaka mumigwagwa.

“Vanhu uye zvipfuyo zviri kurasikirwa neupenyu apo zvinopinda mumigwagwa mune motokari. Vanhu vanoshandisa tsoka kana mabhasikoro vakaziva kwekufambira, tinoona tsaona dzichiderera. Tiri kubatana nemadzishe namasabhuku mumatunhu akasiyana kuti tione kuti zvipfuyo zvachengetedzwa,” vanodaro.

Mumiririri weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vakapa $400 kuzvikwata zvakakwikwidza pazuva iri kuti zvitenge mayunifomu enhabvu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>