Gunners yorwira mukombe

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Gunners yorwira mukombe

Kwayedza

MURAIRIDZI weGunners FC, Kuda Masaraure, akatsidza kuti chikwata chake chicharwa semvumba kuti chigohwina mukombe weYadah Tv Top 8 Knockout Tournament.
Mukombe uyu uri kukotsverwa naProphet Walter Magaya wechechi yeProphetic Healing Deliverance Ministries (PHD) uyo anove zvakare muridzi wechikwata ichi.

Masaraure anoti zvakakosha chaizvo kuti vahwine mukombe uyu sezvo “uri mukombe wemumusha”.

Munguva ichangodarika, Gunners yange isiri kutamba zvinogutsa asi svondo rapera yakahwina mutambo wayo weligi apo yakarakasha Starbill 2-0 ndokukwira kunogara pechipiri palog.

Svondo rino, mumutambo weYadah Tv semi-fainari, ichasangana neNgezi Platinum uye inofanirwa kuhwina kana ichida kupinda mufainari kuti igorwira mukombe uyu.

“Tanga tichigadzirira kwenguva refu kuti tigorwira mukombe uyu, isu chishuvo chedu kuti tiuhwine.

“Mukombe wemumusha medu uyu saka hatifanirwe kusiya uchitorwa uchiendwa nawo kune zvimwe zvikwata.

“Isu tiri kurwira kudzokera muligi rePSL saka tiri kutoda kuti tienda nemukombe uyu muPSL gore rinotevera uye tinoziva kuti kuuhwina kuchasimudzira morari yedu zvikuru,” akadaro Masaraure.

Mune mumwe mutambo uchange uriko wesemi-fainari, uchaona Mushowani Stars ichisangana neZRP Football Club.

Mushowani Stars svondo radarika yakaita mangange 0-0 neBlue Swallows kozotiwo ZRP yakakunda Commando 1-0.

Mutambo uyu unotarisirwa kunge uchinakidza kukunda ngoma kurira sezvo zvikwata zviviri izvi zvichange zvichirwira kupinda mufainari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>