Guva remutorwa riri pamusiwo wechitoro

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Guva remutorwa riri pamusiwo wechitoro

Kwayedza

Top2

CAPTAIN Witness Mapuranga (kuruboshwe) naVaRobson George Phiri vachitaridza guva riri pamberi pechimwe chitoro kuMagunje, kuHurungwe.

Kingstone Mapupu
MURUME ane bhizimusi paMagunje, kuHurungwe anoti ashaiswa rugare neguva remunhu mutorwa iro riri chipo chepamusiwo wechitoro chake.Anoti guva iri riri kumukanganisira bhizimusi rake sezvo vamwe vatengi vachiritya.

Chitoro chakatarisana neguva ichi ndechekwaPhiri, uye guva iri rinonzi ndere mwana wevaimbova mufundisi vechechi yeSalvation Army munzvimbo iyi, Brigadier Mukuze, avo vaibva kwaMurehwa, asi vakashaikawo kare.

Panzvimbo imwe chete iyi panonzi paiva nerimwe guva zvakare remuchena, aiva mwana waCharles Clarke (Snr), ainzi Charles (Jnr) anova mumwe wevaitungamirira chechi yeSalvation Army kuMagunje. Kunotova nezvikoro zviviri zviri uku, chepuraimari nechesekondari, izvo zvinoshandisa zita rekuti Charles Clarke.

Mumwe wevakuru vechechi yeSalvation Army kuMagunje, Retired Captain Witness Mapuranga (68), vanoti guva risati rafukunurwa iri nderaRudo Mukuze, uyo akavigwa panzvimbo iyi pasati pavakwa zvitoro.

“Charles naClarke vakabva kuUK ndokusvikovamba chechi yeSalvation Army kuMagunje mugore ra1926. Varungu ava vakazobatanawo naBrigadier Mukuze vekwaMurehwa, avo vaigara kuno kuMagunje ndokutanga kufambisa shoko raMwari. Vakazoshaikirwa nemwana wavo musikana uyo vakaviga panzvimbo iyi.

“Pakavigwawo mwana waCharles (Snr) asi guva rake rakazofukunurwa nechechi mapfupa ake akanovigwa mukati mechikoro cheCharles Clarke Primary, iri raRudo ndokusara riripo,” vakadaro Captain Mapuranga.

Vanoti chitoro chekwaPhiri ndicho chimwe chemabhizimisi ekutanga paMagunje apo chakavakwa vanhu vasina kuona kuti paiva nemakuva.

“Vaviri ava vanonzi vakavigwa panzvimbo iyi mugore ra1941 na1942. Pakabviswa mapfupa aCharles (Jnr) nechechi yaifanirwa kubvisa makuva aya ose apo pakanzi patangwe patsvagwa mhuri yekwaMukuze, iyo isina kuwanikwa. Isu takanga tati sezvo guva remurungu rangobviswa pasina hama yake dai zvirizvo zvakaitwa raRudo sezvo zvaiitwa nechechi,” vakadaro Captain Mapuranga.

Muridzi wechitoro ichi, VaRobson George Major Phiri (78), vanoti vanoda kuti guva iri ribviswe nekuti rinovakanganisira bhizimisi ravo. Vakaudza Kwayedza kuti: “Vanhu vanouya vachigara pamusoro peguva iri kuchitiwo vamwe vakaziva kuti iguva vanobva vatya kusvika pachitoro changu. Ndakataura nevakuru veSalvation Army, naivo Captain Mapuranga, asi hapana chati chafamba.”

Vanoti vanoda kuvaka service station asi hazvisi kukwanisika nekuda kweguva iri.

“Iri iguva remunhu, kureva kuti pane mweya ipapa. Ndakavaka bhizimisi rangu mugore ra1972 tisina kuona kuti paiva nemakuva. Chikumbiro changu ndechekuti guva iri ribviswe sezvo rimwe racho rakabviswa kare rikaiswa muchivanze chechikoro,” vakadaro VaPhiri.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey