Gwaze ave kuCapitalk 100.4FM

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Gwaze ave kuCapitalk 100.4FM

Kwayedza

AIMBOVE mutepfenyuri wezvirongwa zvakasiyana kuZIFM, Farai Gwaze, ave kushandira nhepfenyuro itsva yeCapitalk 100.4FM iyo inotepfenyura iri muHarare ari producer napresenter.

Gwaze ari kutevera matsimba aNapoleon Nyanhi uyo aimboshandira kuStarF M.

Nyanhi akawaniswa basa kuCapitalk FM mumwedzi waMbudzi 2016.

Achitaura munguva pfupi yadarika, Gwaze – uyo akaita zvidzidzo zveBSocSci degree in Media and Communication and Drama and Performance pamwe nePost-graduate Degree in Drama and Performance – anoti anotambira basa iri nemawoko maviri.

“Hongu, ndave kushanda kuCapitalk 100.4 FM mushure mekunge nguva yangu yekushanda kuZIFM yapera. Ndakafadzwa zvikuru nezvinangwa zvinoendeka uye chikwata chiriko chinoshanda zvine mutsindo. Saka izvi zvakandipa chido chekuti ndinge ndichishandira nhepfenyuro yekutanga yemhando yeCommercial Talk Radio Station muZimbabwe,” anodaro.

Gwaze akatanga basa rake semutepfenyuri kuZIFM stereo mumwedzi waChikunguru 2015 achitora chinzvimbo chaZororo Makamba apo aiita zvirongwa zvepasvondo zvinodaidzwa kunzi Impact.

Gwaze aiita zvakare zvirongwa zvakaita seMining Matters, Culture Talk and the Platform kuZIFM.

Mubasa rake, akakwanisa kuita hurukuro pamwe nebvunzurudza makurukota eHurumende akasiyana ayo anosanganisira gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Dr   Christopher Mushowe.

Asati atanga kushanda kuZIFM, Gwaze akapedza makore gumi ari kuDurban, kuSouth Africa achiita mitambo yemadhirama pamwe nezvirongwa zvakasiyana panhepfunyuro nematerevhizheni eko.

Gwaze akashanda zvakare nemamwe makambani makuru achisimudzira zvirongwa zvawo munyika dzakasiyana.

Muna 2007, Gwaze ndiye akange ari izwi guru (official voice ) reFootball FIFA World Cup Draw kuDurban International Convention Centre, kuSouth Africa.

Akashandira zvakare nhepfenyuro dzekuSouth Africa dzakadai seEastcoast Radio, Gagasi Radio neRed Cap Radio.

Pamusoro peizvi, Gwaze akaita zvirongwa neSouth African Broadcast Corporation (SABC) neBlue Button Television yekuBotswana.

Kunze kwekuve mutepfenyuri, Gwaze akaonekwa ari munhu anoshanda nesimba izvo zvakaita kuti muna 2011 ange achicherechedzwa nesangano reUnited Nations akawaniswa mubairo weUN Sukuma Africa Young Entrepreneur of The year muchikamu cheMellennium Development Goal 8.

Muna 2016, muchinda uyu akawaniswa mubairo mukuru weElectronic Media Best Reporter Award uye ane shungu dzekusimudzira ruzivo rwechizvino-zvino munyaya dzekufambiswa kwemashoko.

Gwaze achange ari mutepfenyuri weCapitalk pazvirongwa zvenguva dza 6 am-10 am Breakfast Show.

“Ichokwadi, ngatisanganei munguva dzemangwanani apo tichange tichiita nhaurwa maringe nenyaya dzinenge dzichangoburwa pamusoro peguta redu.  Tichange tichikurukura zvakare nezviri kuitika kune dzimwe nyika nepasi rose,” anodaro Gwaze.

Maneja weCapitalk 100.4FM, Nyanhi, anoti anofara zvikuru kushanda naGwaze.

“KuCapitalk 100.4FM tiri kufara zvikuru nekuwaniswa chikwata chine hunyanzvi. Gwaze akakwanisa kusimukira zvikuru muzvirongwa zvake zveCurrent Affiars mukati menguva diki. Ndiye achange achiita nyaya dzemabhizimisi panguva yemangwanani pachirongwa chinodaidzwa kuti Start up Capital icho chinenge chiri pamhepo kutanga nenguva dza6 am -10 am,” anodaro Nyanhi.

Capitalk 100.4FM inobatwa pamasaisai anoti 100.MHz paFM.

 

Share This:

Sponsored Links