Haasi masanga . . . fc Platinum yonyora nhorowondo

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka —
SANGANO rePremier Soccer League iro rinotungamira mitambo yeCastle Premiership rorumbidza nhabvu yakatambwa mwaka uchangodarika richiti kutora kwakaita FC Platinum mukombe wePSL mushure mekunge yawana zvibodzwa 72 zvinotaridza kuti nhabvu iyi iri kusimukira zvikuru.

FC Platinum yakaitawo chikwata chekutanga kuhwinha mukombe uyu chisiri chemuHarare kana Bulawayo kubva mugore ra1966 apo St Pauls Musami yakatora mukombe uyu.

Ongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino inotaridza kuti makore adarika, zvimwe zvikwata zvaihwina mukombe uyu zvaitadza kuwana zvibodzwa zvakawanda sezvakazoitwa neFC Platinum.

Kubva mugore ra2010, zvikwata zvasimudza mukombe uyu zvinosanganisira Motor Action iyo yakapedza mwaka ine zvibodzwa 66, 2011 Dynamos (58), 2012 Dynamos (69), 2013 Dynamos (54), 2014 Dynamos (57) 2015 Chicken (61) kozoti CAPS United 2016 iyo yakapedza mwaka ine zvibodzwa 63.

Mukushi wemashoko wePSL, Kudzai Bare, anoti sangano ravo rinonzwa manyukunyuku nekufamba zvakanaka kwakaita mwaka uchangodarika uye nenhabvu yepamusoro yakatambwa nezvikwata zvose.

“Zvinofadza zvikuru mafambiro akaita mwaka uchangodarika, nhabvu yakatambwa yainwisa mvura uye zvakarakidza kuti nhabvu yemuno iri kusimukira kuenda pamusoro. Kuhwina kweFC Platinum uye zvibodzwa zvayakakumba yobva yaita chikwata chekutanga chisiri chemuHarare kana Bulawayo kutora mukombe uyu kunorakidza kuti zvikwata zvese zvine hukasha hwekuda kuhwina, zvakanakira nhabvu yedu uye zvikwata zvose,” anodaro.

Bare anoti ligi remuno riri pamusoro penyika dzakawanda dzemuAfrica izvo zvinoonekwa nevatambi veZimbabwe vazhinji vari kutambira kuzvikwata zviri kuSouth Africa, Tanzania nekune dzimwe nyika.

Anoti kutengwa kunoitwa vatambi ava kunze zvinorakidza kuti muno muri kutambwa nhabvu yemandorokwati.

“Ligi redu rave pamusoro ndosaka gore negore zvikwata zvedu zviri kutengesa vatambi kunze kwenyika. Vatambi vedu vari kutamba nhabvu inoyevedza vachirwira kubatsira zvikwata zvavo kuti zvibudirire uye kuti ivo pachavo vaende kure nenhabvu,” anodaro Bare.

Anoti kana mhando yenhabvu yakatambwa mwaka uno ikaenderera mberi, zvinobatsira zvikuru mukukwezva vakotsveri vemutambo uyu.

“Shuviro yedu kuti tirambe takadaro tikwanise kukwezva vakotsveri vakawanda. Munoziva pane chakanaka munhu wese anoda kubatsira kuti chiende kure saka ndizvo zvatiri kutarisira kuti nhabvu yedu isvike kure. Kutanga gore rinotevera,, zvichienda mberi, tine zvakawanda zvatiri kuronga zvichabatsira kusimudzira nhabvu yedu,” anodaro Bare.

Zvakadai, kana mitambo yePSL ikaenzaniswa nemaligi ekune dzimwe nyika muAfrica, FC Platinum zvibodzwa zvayakawana zviri pamusoro pezvikwata zvakadai sezvekuSouth uko Bidvest Wits yakahwinha mukombe iine zvibodzwa 60 chete.

Zvisinei, zvikwata zvekuEurope zviri pamberi pane zvemuno nezvekuSouth Africa sezvo shasha yekuEngland – Chelsea – yakahwina mukombe iine zvibodzwa 93, Real Madrid kuSpain ikahwina iine 93 zvakare kozoti Bayern Munich yekuGermany yaive nezvibodzwa 82.

Share This:

Sponsored Links