Hakuna dofo: Shumba

27 Feb, 2015 - 14:02 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri
MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti hakuna mwana wechikoro anonzi idofo asi kuti vana vanoda moyo murefu uye kuzvipira kwevadzidzisi mubasa ravo. Muhurukuro neKwayedza, VaShumba vanoti zvakakosha kuti mwana wechikoro ave neruzivo rwunoenderana negwaro raanenge ari.

“Tiri kubatsira vana vechikoro kuburikidza nechirongwa chinonzi Perfomance Lag Address Programme, icho tiri kuita kubva kupuraimari kusvika kusekondari. Pasi pechirongwa ichi, tinoongorora vana vegwaro rega-rega manyorero nemaverengero avo kuti zviri kuenderana nemagwaro avanenge vari here,” vakadaro vaShumba.

“Chirongwa ichi chinorodza pfungwa dzevana vechikoro uye takatotanga kutarisa pavari kusarira nekurasika mukuverenga nekunyora.
“Tinovanyoresa mazamanishoni kupera kwevhiki rega-rega uye isu seManicaland, tiri kumberi kwemamwe matunhu mukufambira mberi nechirongwa ichi,” vakadaro.

Vanoti chirongwa ichi chakavambwa nedonzvo rekusimudzira dzidzo munyika.

Share This:

Sponsored Links