Uncategorized

Hakuna munhu anonhonga mombe

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

CHAKANAKA chakanaka, imbwa haihukure sadza. Chinoita kuti imbwa isahukure sadza ndechekuti nyangwe richipisa, sadza harityise. Sadza kudya kunoraramisa, saka vamwe vachizoriti, “Jena muponesi.”

Pano paita imbwa iri kuhukura sadza nekuti pane nyaya yemukadzi wekutiza nechikomba akasiya murume wake achichema padare. Nyaya iyi yakaoma seruware rwusingarimike.

Asi nyaya yakazotaurwa kwekupedzisira kwenyaya iyoyi naIshe Ngezi yakandikanga mate mukanwa, nyaya yemukadzi akatiza murume wake, akaenda nechikomba kumusha kwechikomba kuZvishavane akanoita zvechiroora. Mukadzi wemuridzi?

Asi tisati tawaranura magumbeze akafugwa nenhubu yekunoita chiroora kumusha kwechikomba, rega timbotaura nemukadzi wekusiya murume achichema padare iye achitiza nechikomba. Zvinonzi muroyi royera kure kuti paunopomerwa huroyi, vaugere navo vagokurambira vachiti hausi muroyi.

Zvino mukadzi uyu wekusiya murume achichema padare akatadza kuroyera kure, achibva adanana neshamwari yemurume wake, uye ari muvakidzani wavo zvakare.

Nhaimi, chii chaizvo chiri kuitika munyika medu?

Kuda bonde zvakadarikidza here? Kushaya nyadzi nematyira here? Kushaya vanodzidzisa tsika nehunhu here kana kuti kwave kupenga?

Chokwadi nyika iye yazodhakwa zvekusara yastika! Regai Fungisai akazoimba achiti, “Zvinoti kana zvandibata!”

Chinoita kuti tisvipire pasi kwete mudenga ndechekuti kana ukasvipira mate mudenga anodzoka achiwira kumeso kwako. Bhaibheri roti, “Achera gomba achawira mariri.”

Murume akatora mukadzi weshamwari nemuvakidzani anogona kufunga kuti ndiye chibaba chenyuchi, asi kwandiri ishanga rechirimo risina chiremera – shanga rinopeperetswa nemhepo.

Kutora mukadzi wemumwe kwakafanana nenhunzi iri kutevera chitunha chiri kudzikiswa mugomba ichitadza kuziva kuti haibude. Kuzvibhiga nehupombwe zvekuti unozviona segomo kunosvika pakunopera senziyo dzakaita mukurumbira.

Kana ukatora mukadzi weshamwari yako, chichaita kuti ufunge kuti mukadzi iyeye haazotorwawo semutorero wawakamuita iwewe chii?

Mukadzi wekubvuta achabvutwawo kubva kwauri nekuti ishiri ine muririro wayo waisingarege.

Ko iye mukadzi wekubvuta kana azove mukadzi wako unenge uchimushevedza uchiti kudii? Nekuti wakamuziva ari Mai Chakuti, uye waimushevedzawo uchiti Mai Chakuti.

Ugonzwawo kudada kwemukadzi wacho, hanzi, “Handichada murume, ndazviwanira murume we’class’ yangu . . .” Ndihwo hunhu hwepfambi chaihwo uhwu. Kuda zvinhu, kufumuka kunge hapwa yahwindi inongoshamira vanhu vari kupinda nekubuda mukombi.

Naiye murume wekutora mukadzi weshamwari yake ndicho chikorobho chemurume chaicho. Chisiri kuziva mukadzi wekutiza murume ndechekuti chikorobho chemurume chaakaenda nacho chichamunetsa uye chichamuudza mushure mekufinhwa naye kuti ipfambi.

Kana adaro, achatsvaga mamwe marutsi ekukorobha nekuti chikorobho. Rudo rwekuba nekubiridzira rwunonakidza asi harwuna order sehembe dzemubhero.

Vakadzi havatorerwe vamwe varume vakaroora vakadzi vavo. Hakuna munhu anonhonga mombe, nekuti mombe nyangwe yawasangana nayo iri yega ine kudanga kwayo nemuridzi wayo. Kutora mukadzi wemunhu hausi hugamba, asi wachipa semaputi munin’ina wangu.

Bhaibheri rinoti hongu yako ngaive hongu, uye kwete yako ive kwete. Ndiri kutya nekutongwa nenyama kuri kuitika munyika.

Chii chaizvo chakapa mumwe mukadzi akaroorwa simba nehupenzi hwekunyepera murume wake kuti ari kuenda kuchechi, asi iye achienda kumusha kwechikomba chake? Bhaibheri rinoti Satani murevi wenhema, asi nhema hadzife dzakatsiva chokwadi.

Kurarama hupenyu hwemanyepo kunopiringisha. Ndinofarira chirevo chinoti, “Rine manyanga hariputirwe.” Chivi chinodya mwene wacho, uye Mwari vanoti mubairo wezvivi rufu.

Tsvagai Jehovha achawanikwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>