Uncategorized

Hakusi kuroyiwa: Dr Moyo

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
MUKURU wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti matambudziko ekukura kwemazamu kuvanhurume anowanikwa uye izvi hazvina chekuita nekuroyiwa.

“Uku hakusi kuroyiwa, dambudziko iri rinoda kuti vanenge vanaro vaende kuzvipatara vonoonekwa nemachiremba vorapwa,” vanodaro Dr Moyo.

Asi Sekuru Jonathan Shonhiwa, vekuChiredzi, vanoti murume uyu anoda kubatsirwa padambudziko rekukura kwemazamu ake iri.

“Murume uyu akayamwiwa nezvidhoma uye anoda kubatsirwa nekuti zvinogona kudarikidza apa akazoguma afa,” vanodaro.

VaBonface Katerere vekuUzumba vanotiwo kukura kuri kuita mazamu aVaMbulawa kuri kukonzerwa nezvidhoma zvakavayamwa zvikasiya hunye hwazvo.

Share This:

Sponsored Links