Hama dzangu yava chechi

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

KUNA tete
Ndiri murume ane makore 37 ekuzvarwa, ndine mudzimai ane makore 26 nevana vatatu. Takachata muchechi vabereki vemudzimai wangu vakandiudza kuti muchechi yavo matakachatira zvinhu zvangu zvichatanga kufamba, uye hama dzangu dzave dzemuchechi bedzi. Ndakazoenda kumusha kunotaura nehama dzangu kuti hama dzangu dzava dzekuchechi. Ndakaudza hama dzangu, sezvaidiwa nevabereki vemudzimai wangu, kuti kana ndikafa vechechi ndivo vanoita zvose. Ndakasainisa hama dzangu mapepa ekuti tadambura hukama, ndave wekuchechi.

Zvinhu zvose zvakatanga kufamba zvakanaka, mari, motokari ndaive nazvo. Pose apa ndaigara pamba patezvara.

Nekufamba kwenguva ndakazofunga kunogara nemhuri yangu kwedu, ndokubva pamba patezvara. Apa ndipo pakatanga dambudziko, kubasa kwandaishanda rakabva rapera, apawo atezvara vangu havachandifarira sezvavaisiita.

Zvino ndave kuda kudzokera kumusha kuvabereki vangu kuti ndinoonana nehama dzangu. Ndava nemakore akawanda ndisina kusvikako. Ndakambotuma sekuru kunondikumbirira ruregerero kumusha asi baba naamai vakati havana mwana ane zita serangu, ndakavaramba uye ndava kudei. Vari kuti ndirambe ndichigara nehama dzangu dzekuchechi.

Ndoitawo sei tete kuti ndiwane kufambidzana nehama dzangu? Uku vekwatezvara vave kundiramba.

Masimba Goredema

Harare.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzuku nderekuzvitsvagira woga. Inga wani pane tsumo inoti chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa – wave kukanganikwa nevatorwa vawakange wati ndivo vekwako. Inga Bhaibheri rinotaura kuti remekedza vabereki wako kuti mazuva ako awande panyika.

Ichechi rudzii inodambura hukama hwevanhu? Hatisati tambozvinzwa izvi. Church ndiyo inofanira kubatanidza mhuri kuti nyika igobudirira nekuti inenge iine vanhu vanodanana vakabatana.

Muzukuru muupenyu usade zvinhu uye usade kudiwa nemhunhu, iwewe shandira mhuri yako kwete kuti nekuti atezvara havachandida. Saka unoda kudzoka pamba pavo here kuti vakude uye kuti utanga kuwana pfuma? Wakatokanganisa inga vakuru vanoti maropa asiri ako haabatirire. Kana zvichinzi maropa haabatiri, zvinenge zvichingoreva kuti mutorwa mutorwa chete, kana kukuuraya anokuuraya.

Kune ruzhinji rwevarume vari kuuraiwa nevakadzi vavo kuitira kuti vazosara vachidya pfuma nehama dzavo.

Zano randave kukupa nderokuti panotodiwa mombe mbiri dzekunovabatira kuitira kuti iwewe ukwanise kutaura nevabereki vako. Wotokokorodza vehukama wouraya imwe mombe yechitatu, wokumbira ruregerero nokuti zvawakaita hazviitwe.

Hapana chaunoita chinobuda muzukuru ukawirirana nevabereki, handidi kukunyebera tiri vanhu vatema uye chivanhu chiriko.

Wotozvininipisa kuti zvikunakire, chero ukatukwa sei, ita mhepo iyi ipfure. Inga wani benzi harikanganwe kumba kwaro.

Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey