Uncategorized

Hameno, ndizvo zviri kungotaurwawo

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

MUNGUVA dzino dzatiri, mashoko ari kuwandisa uye ari kungoerekana auya sepamafoni sezvinonzi inhunzi dzanzwa pane chinonhuhwa. Muri kuanzwawo here mashoko ari kuti chokochoko achienda nekudzoka, achikwidza nekudzika?

Anyanya mashoko ekutaura nemiromo yedu, mashoko paWhatsApp, mashoko ezviri kutaurwa, mashoko ekuseka, nemashoko asina kupfeka. Mashoko emanyepo, mashoko ekutuka, mashoko ekutyisidzira, mashoko ezviri kufungwa kuti ndizvo zviri kufungwa nevatungamiriri. Asi mashoko akawandisa anopedzisira atirasira kwatisingatarisire. Anopedzisira atikanganisa panzvimbo yekutibatsira.

Vamwe varume mapofu vakanzwa kuti pane nzou yakanga yaunzwa munzvimbo mavaigara. Pavarume ava, hapana akanga aiziva kuti nzou yakaita sei nekuti vaive mapofu. Nekuda kuziva, vakawirirana kuti vaende kwaive nenzou kuti vagoibata nemaoko avo kuti vazive kuti yakaita sei.

Saka vakaenda kwaive nenzou iye. Senzou yaive yakapfuyiwa, vakakwanisa kuibata-bata. Murume bofu wekutanga akabata musinga wenzou akati, “Imi, nzou inenge zinyoka gobvu kwazvo.”

Asi mumwe akanga abata nzeve yenzou akati inenge zigumbeze. Mumwe akabata gumbo akati nzou inenge hunde yemuti. Murume akabata dumbu renzou akaudza vamwe vake kuti nzou inenge madziro emba.

Mumwewo akabata muswe wenzou akati nzou inenge tambo. Wekupedzisira akabata nyanga yenzou akati nzou chinhu chakaoma kunge dombo, asi chichitsvedzerera kunge zai.

Kufanana nevarume mapofu ava, ndizvowo zvatiri kuitwa nemashoko mazhinji ari kubva kuvanhu vakasiyana-siyana. Mamwe mashoko ari kuuya neWhatsApp ari pedyo nechokwadi, asi haasi chokwadi. Mamwe acho ari kubva kuvanhu vanofarira kukonzeresa.

Kana ukabata nzeve yenzou usaudze vanhu kuti nzou inenge gumbeze. Chokwadi chako chinogona kunge chakatsamira pamaonero nemafungiro ako, asi rega kuita kuti chigashirwe nevanhu vese sechokwadi.

Zimbabwe yakakura senzou, uye zviitiko zviri kuitika zvakawanda zvekuti hatingavimbe nemafufu tichiti ndicho chingwa. Maonero ako haasi maonero evanhu vese, uye zvauri kutaura kana kufunga kuti ndizvo zviri kufungwa nevauri kufunga kuti vari kufunga hazvisizvo.

Mashoko mazhinji ari kumhanya paWhatsApp ari kuti: Zvanzi . . .” Asi ukabvunza kuti naani, unonzwa vatumira mashoko acho vave kuti hameno, ndizvo zviri kungotaurwawo.

Nekuda kwemashoko, foni dzedu dzave masvikiro ezvese-zvese. Nguva dzatiri kurarama munhu wese anofunga kuti anofanira kutaura nyangwe vaye vasina chekutaura. Tiri munguva dzekuti munhu wese ari kutsvaga mashoko pamusoro pezviri kuitika. Tiri munguva dzekuti vanhu vafanana nemapofu aye akabata-bata nzou.

Vamwe vanhu vari kubhururuka senhunzi yanzwa kwanhuhwa. Tiri pamushika-shika wemashoko. Asi kuwanda kwemashoko kune zvakunobereka matiri. Tikaramba tichinzwa mashoko akasiyana-siyana kubva kuvanhu vakasiyana-siyana tichapedzisira tavhiringika sevhiri rapera mweya.

Mashoko akawanda unopedzisira wafanana naSauro muBhaibheri. Sauro akati akombwa nehondo dzemaFiristia, akatya zvikuru. Akapedzisira apererwa zvekuti akanotsvaga Mwari kun’anga. Ndinofarira chimbo chakaimbwa naAlexio Kawara makore mashoma adarika chinonzi “Shaina.” Alexio anoti, “Uri mwenje, usazodzima.”

Asi munoziva here kuti kune mashoko anodzima munhu zvekuti munhu anopedzisira ave rima rinofamba? Bhaibheri rinoti mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, rinounzira nyasha avo vanonzwa.

Uri kenduru uye Mwari vari kuda kukubatidza. Uchabvira here kana kuti Mwari vachangoramba vachikwenya machisa, asi iwe uchiramba wakati kwindi? Bvira upe chiyedza kwete rima.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey