Handibve kuRoma: Szczesny

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Handibve kuRoma: Szczesny

Kwayedza

MUBATI wepagedhi weArsenal, Wojciech Szczesny (27), anonzi anoda kuramba achitambira Roma mushure mekupedza makore maviri ari kuchikwata ichi nechikwereti.

Szczesny – uyo akatanga kutambira Arsenal mugore ra2010 – akaenda kuRoma mugore ra2015 ndokuzodzokera zvakare mwaka wadarika zvichitevera matambiro anonwisa mvura aainge aita.

Mwaka wadarika, mutambi uyu akatamba mitambo 38 ndokubatsira chikwata ichi kuti chipedze chiri pechipiri muSerie A.

Mutungamiriri wechikwata ichi James Palotta anoti Szczesny – uyo anove chizvarwa chekuPoland – anoda kuramba ari muguta guru reItaly.

“Akandiudza kuti anoda kuramba ari kuno nesu,” akadaro Palotta.

“Ndichitaura zvakawanda, ndakashamisika kuti vamwe vatambi vandaifungira kuti vanoda kuenda vakauya kwandiri tisati tatamba mutambo wedu wekupedzisira vakandiudza kuti vanoda kuramba vainesu.

“Chiratidzo chekuti tine chikwata chakanaka, tiri kungosara pahuwandu chete uye Monchi (director wenhabvu) achatibatsira nezvazvo.”

Zvakadai, Serie A Juventus inonzi iri kuda kutenga Szczesny yomuunza kuTurin zvachose, kunyangwe hazvo ramangwana remutambi uyu richaziviswa neArsenal. – Sportsmail.

Share This:

Sponsored Links