Uncategorized

Handigare nemukadzi

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:
Ndiri murume ane makore 49 okuzvarwa, ndakamboroora vakadzi vatatu panguva dzakasiyana asi hapana mukadzi akaita makore matatu ndinaye. Ndava nemakore mapfumbamwe ndisina mukadzi uye ndinombotaura nevamwewo vakadzi asi hazvina kwazvinosvika. Sekuru, ini ndazvishaira pazvo kuti chimbori chii chinoita kuti nditadze kuwana mukadzi wekunyatsogara naye. Ndibatsireiwo.

MHINDURO:
Muzukuru iwe nevamwe vane matambudziko akadai, dambudziko iri iguru uye rinoda kupedzwa nekukasika nekuti unogona kugara upenyu hwako hwese usina mudzimai.

Vanhu vakafanana neuyu vane mweya inovashandisa yakafanana nezvikwambo kana ngozi kana mhiko dzekuroyiwa nevehukama kana vamwewo vanhu.

Chikwambo kana ngozi mweya unotorwiswa kuti ubve pauri, zvinotoda munhu anotokubatsirai pakuzvibvisa zvodzokera kwazvakabva.

Nekuti kana wakaroora mudzimai wekutanga mukaita vana, woroora wepiri moita vana naye kozoti newechitatu moitazve vana, mweya uyu ukasaurwisa unotevera kuvana ivavo.

Iyo ihondo yaunofanirwa kurwisa nekukunda. Pane vanoita zvechivanhu sevari pasi pesangano reZinatha avo vanogona kukubatsira kuti dambudziko rakakuputira iri ripere, mweya yakaipa yodzingwa zvichizoita kuti iwe ukwanisa kugara nemukadzi pasina zvinonetsa.

Vazukuru musarapwe kana kubatsirwa nevanhu vasina magwaro ekukushandirai nekuti vamwe vacho vanenge vachingoda kukurozvai, fume mangwana dambudziko harina kupera.

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715942183

Share This:

Sponsored Links