‘Handina mari yekubhadhara chimbadzo . . . ‘Ndotokupa Zvangu Chibhebhi’

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Handina mari yekubhadhara chimbadzo . . . ‘Ndotokupa Zvangu Chibhebhi’

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati akange asingakwanise kudzosera mari yechimbadzo kune murume akanga amupa asi kuti aida kumurongera kuti adanane nemunin’ina wake sechibvumirano chavo. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Moses Manyoka akamhan’arira Beauty Moyo achida mari yake yechimbadzo yaakange amukweretesa.

Moyo akati akange asingakwanise kubhadhara Manyoka mari yake uye vakawirirana kuti aizomurongera musikana kutsiva chimbadzo ichi.
“Ndakaenda nemunin’ina wangu kuna Manyoka ndichida mari akandipa mari asi ndiye nyakutaura ega kuti kana ndatadza kumudzosera mari iyi ndinomurongera munin’ina wangu zvinova ndizvo zvandava kuita. Ini handina mari yandinokupa shamwari. Handina mari, handishande ini,” akadaro Moyo.

“Zvekundironda chimbadzo chako handina, ndinokurongera musikana sekutaura kwako. Handina kumbokumanikidza kuti undipe mari yako, ndiwe wakaburitsa mari wega nekuti wakanga wabatwa neruchiva, kuita meso- meso kwakakuparira.”

Manyoka haana kuwirirana nezvainge zvataurwa naMoyo achiti anoda mari yake zvisinei nekuti vane zvavakanga vawirirana.
“Iwe, ini ndoda mari yangu. Zvako zvauri kutaura handinei nazvo. Vakadzi handidi, ko vave bhurugwa here rinochinjwa zuva nezuva? Handimude munin’ina wako wacho wauri kutaura. Haatovaraidze kuona saka handione chekuti ndingade. Ungade kundibira pachena-chena?” akadaro Manyoka.

Moyo akamugamha zvakare achiti haana mari yaanokwanisa kupa Manyoka achiti:
“Iwe, ndiri kutokurongera bhebhi. Zvechimbadzo kanganwa, mari handina handina.”

Mutongi Barbra Mateko akati Moyo anofanirwa kudzosera Manyoka mari yake zvisinei nekuti vane zvavakanga vawirirana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey