Handini ndiri kukonzeresa: Madzibaba

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views

Kwayedza

MUPOROFITA weJohane Masowe eChishanu ane sowe riri kuRotten Row, muHarare, uyo ari kupomerwa kushandisa mumwe mudzimai kuti ashinhe nenyoka nezvidhoma akaramba nyaya iyi achiti hapana zvaanoziva.
Violet Chita (28) anotaura kuti ari kushandiswa pasowe aMadzibaba uyu (zita rake tinaro), achiti akaiswa mhiko dzekuti apote achishinha nenyoka nezvidhoma uye kushandiswa nemuporofita uyu kuti sowe iri rikure.

Kwayedza haina kuwana umboo huzere hunojekesa kuti zviri kutaurwa nemudzimai uyu zvine chekuita nemuporofita uyu zvisinei nekuti ndizvo zvaari kutaura.

Madzibaba uyu akaramba mashoko aya achiti mudzimai uyu akaenda kumasowe kwake achirwara nepfungwa apo aida kubatsirwa.

“Ini nyaya yekuti mudzimai uyu akauya pano achirwara nepfungwa ndiyo yandinoziva, ndikamubatsira akatomboita zvakanaka. Amai vake vakasimuka pamberi pevanhu vakatenda,” akadaro Madzibaba.

Anoti nyaya yekuti Violet anofamba achitaura zita ravo achiti ndiye ane nyoka yaanorara naye uye zvidhoma zvinomushandisa akainzwa kumasowe.

“Nyaya yekuti ini ndini ndine nyoka inorara naye yakauya kwandiri iye akakumbira ruregerero ndikarwutambira. Akapfugama kwandiri ndikamuregerera nekuda kwemashoko aaitaura,” akadaro.

Anoti mudzimai uyu akauya akasungwa mawoko naamai vaaishandira pekutanga achirwara nepfungwa. “Ini ndakazvipira kuti kana vabereki vemudzimai uyu vachida ini ndinonotora hama dzangu kuChivhu kwana sekuru sezvo ndiri nherera, tofamba tose. Kana ndikanowanikwa ndiine nyaya padambudziko remudzimai uyu ndoripiswa zvangu,” akadaro.

Vamwe vaviri vanonamata naMadzibaba uyu, vakatsinhira nyaya yekuti Violet akaenda kumasowe achirwara nepfungwa kwete zvekuti pane zvaakaitwa ikoko.

Madzibaba uyu akaramba zvakare nyaya yekuti akatangira kunamata kusowe raMadzibaba Ishmael Chokurongerwa vekuBudiriro, uko kune mapositori akarwisa mapurisa, vatori venhau nevamwewo vanhu nguva yadarika.

“Vabereki vangu vainamata vose saka ndakabvira kare ndichinamata. Zvekuti ndakatangira kunamata kwaIshmael handizvo.”

Zvisinei, Madzibaba uyu nevamwe vake vakabvuma kuti vakaenda kumusha kwevabereki vaViolet kuUzumba vakanoshandira musha wavo uye nekuenda kuChivhu naye vachiedza kumubatsira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey