‘Handini, wakamitiswa naNgirazi’

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Handini, wakamitiswa naNgirazi’

Kwayedza

Tatenda Moyo
MURUME wekuramba kubvisa mendenenzi achiti mwana haazi wake uye kuti aiziva baba vemwana uyu akanzi nedare auye nababa vacho kuti vazopa umboo. Confidence Mukutairi akaendesa aimbova mudiwa wake, Joshua Sharara, kuHarare Civil Court achida mari yemwana wake.
“Baba ava changamire, ndakanga ndavati ndinoda $80 inova yazotiunza mudare muno asi vari kungoramba vachitsika madziro kunge dandemutande. Havasi kuratidza kana hanyn’a nemwana wavo nekuti havasi kuti ndidzikise mari asi vari kungoti havandipi kana bodzi.

“Zvinondishungurudza kuti sei vasiri kuda kuchengeta mwana wavo ivo mari vachiiwana nguva dzose,” akadaro Mukutairi.
“Muchivaona ipapa vanotoita zvekutenga nekutengesa kubva kunze kwenyika uye vane tuck-shop yavo zvinova zvinovararamisa nekuvasiya vaine imwe mari inoraudzira. Asi pamari yose iyoyo yavanowana voshaya kana shoma zvayo yekungobatsira mwana? Basa ravo kungondipomera mhaka dzisina umboo zvinova zvisingagutise mwana kana ava nenzara.”

Sharara akapikisana nemashoko aMukutairi achiti mwana uyu haasi wake. “Ishe wangu, zvakanaka kuti amai ava vari kuda mari kubva kwandiri asi ini handina kana kobiri randinovapa. Chikonzero chekutanga ndechekuti pandaiita navo bonde pose ndaishandisa dziviriro zvavaitoziva uye hatina kana musi watakamboita dambudziko rekushaya dziviriro saka zvinokatyamadza pamwe nekusekesa kana munhu ave kuti ane mwana wangu,” akadaro Sharara.

“Chepiri ndechekuti paaive nemimba, akagara nemumwe murume anonzi Ngirazi kuHopley Farm anova baba vemwana uyu kusvika azozvara panova paakazodzingwa nemurume uyu kwave kunditi ndichibhadhara mendenenzi nekuti ainge arambwa. Paakandizivisa nezvemimba yake ndakamuti auye kuzogara neni asi akasarudza Ngirazi, nhasi zvaramba ave kuda kuchema-chema kwandiri.”

Akati Ngirazi aitomutyisidzira achiti akangobhadhara chete mari yemendenenzi iyi aizomusungisa. Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Sharara anofanira kuuya naNgirazi kudare kuti ape umboo hwekuti chokwadi ndiye baba vemwana uyu.

Share This:

Sponsored Links