‘Handirambwe, ndide chete’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
‘Handirambwe,  ndide chete’

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MURUME wekupomerwa kushungurudza aimbove shamwarikadzi yake achinzi anomurova nekumutukirira senzira yekuti vadzokerane akamiswa mudare redzimhosva.

Grace Kuruneri akaendesa Terrence Chawapira kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu zvichitevera kurambana kwavakaita.

“Changamire, uyu murume wandaimbodanana naye asi anogara achiuya kumba kwangu achindirova pamberi pemwana wangu achiti ndaisafanira kumuramba sezvo ndakange ndanoonekwa nevabereki vake semunhu waari kuda kubvisira pfuma.

“Pane musi waakandirwisa ndikabva ndamutema nesimbi akakuvara apa ndaizvidzivirira. Ini handichadi kuti asvike kumba kwangu achindimanikidza kuti ndimude. Nepamusana pekuti munhu anoshungurudza nekundirova ndakaona kuti zviri nani tirambane ndisati ndazvidemba kweupenyu hwese. Anouya kuzondirovera kumba kwangu,” akadaro Kuruneri.

Chawapira akapokana nezvakataurwa achiti Kuruneri achiri shamwarikadzi yake, havana kumborambana uye vakatobuda mumba mumwe chete pavakaenda kudare.

“Ndave nemasvondo maviri ndichigara kumba kwake uyu. Hatina kumborambana, ndichiri mukomana wake kwete zvaari kutaura. Chinoitika ndechekuti ane hasha dzinotobhowa asi handina kana musi mumwe chete wandakamurova pamberi pemwana wake sezvaataura. Kumurova, hongu ndinobvuma nekuti haadi kuterera. Zvizhinji zvaataura ndezvekunyepa, ari kuda kuti nyaya yake ibvumwe nedare. Dai akataura kuti haachandida sezvaari kureva pamberi pedare ndingadai ndisingaswere ndichinetsana naye,” akadaro.

Kuruneri akamugamha achiti: “Dai tisina kurambana achiri kundida angadai asina kundisiya ndichivharirwa muchitokisi musi watakakuvadzana. Izvi zviri pachena kuti ari kungoda kundishungurudza bedzi.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Kuruneri.

Share This:

Sponsored Links