Uncategorized

‘handirare ndisina lipstick … hope hadziuye’

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘handirare ndisina lipstick … hope hadziuye’

Kwayedza

Daphne Machiri —
“KUITA sei? Inini kurara ndisina kuita make-up — ndisina kuzora miromo yangu lipstick nekuzvipfapfaidza pefiyumu, hazviite! Kana hope dzacho hadziuye.

“Ndinorara ndakachena, dzimwe nguva ndakatopfeka mbatya dzangu dze”white” — chena dzakati mbee.”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemukadzi anogara muZengeza, kuChitungwiza, uyo anozviti igodobori pakurapa zvechivanhu.

Mbuya pabasa — Joyce Nhamburo (46) — anoti ane shave renjuzu iro rine muko wekuti harimutendere kurara husiku asina kuzora lipstick tsvuku pamuromo wake nekuzvipfapfaidza pefiyumu.

“Dzimwe nguva ndinotomuka pakati pehusiku ndichizora lipstick, ndinozvinzwa kuti yapera. Kana hope hadziuye, shavi riri pandiri rinofarira ‘bling-bling’,” vanodaro Mbuya Nhamburo apo vanenge vachiputa bute remudhombo.

Mudhombo ifodya yakakuiwa inenge rakanyoroveswa. Mukadzi uyu anoti ave nemakore 15 achishandiswa neshave renjuzu kubatsira vanhu vane matambudziko akasiyana.

“Shave racho rinofarira mucheno, handirare ndisina kupoda lipstick — hazviite! Kana ndikadaro bedzi, musi iwoyo hope hadziuye. Ndinotomuka ndoisa lipstick tsvuku, ndiko kuti ndizokotsira. Ndinoizora nguva dzose, husiku nemasikati.

“Dzimwe nguva ndinorara ndakapfeka hembe dzemucheno — chena chaidzo — mumawoko ndiine mabhenguru, kapefiyumu kachinhuwirira.

“Shave renjuzu riri pandiri imhando yedona iyo isingade zvetsvina kana varume. Ndakamboroorwa asi zvakaramba. Murume wacho akangozvitadzawo tichibva tasiyana. Handitodi kusangana nemurume mumachira.”

Mukadzi uyu ane vana vaviri — mumwe musikana wacho waanoti ava kuhakira shave ravo achiitawo sezvinoita amai vake.

Mbuya Nhamburo vanoti shave ravo rinovaita kuti vanwe waini (wine) dzakasiyana kuti “ndidzikame”.

“Ndinonwa waini dzakasiyana kana mamwe maLite. Waini inotondipa simba zvakare nekumutsa shave racho uye inodzikamisa shavi.

‘‘Kunwa kwangu mvura kashoma, nyota ndinopedza newaini.”

Mbuya Nhamburo vanoti vakatanga kusvikirwa vachiri mudiki apo vakarwara zvekupotsa vafa.

“Ndakarwara zvekutadza kana kudya, hama dzangu dzotofunga kuti ndainge ndofa. Ndakazoenda kwaive nemusangano weimwe chechi kunzvimbo inonzi Dandarecha, kuGuruve apo taive musango ndikatanga kunzwa izwi raiimba asi munhu wacho asingaonekwi. Ndakadavira izwi iri uye mukudavira uku ndakaramba ndichifamba ndichibva pane vamwe pamusangano.

“Ndakatora mazuva mana ndiri musango ndisina chandaidya apa ndichingoimba nekudavira izwi riya asi munhu aishaura wacho ndisingamuone,” vanodaro Mbuya Nhamburo.

Vanoti vakazobengenuka vave pachivanze chekumba kwevabereki vavo apo vainge vakabata ivhu remunyakwe muruwoko rwerudyi.

“Ndakazongoonekwa ndakazvambarara, ndisina kana simba asi ndakabata madhaka. Kubva ipapo, ndakarwara zvekuda kufa ndichiita mazuva ndisingadye.

‘‘Ndipo pandakazorotswa imwe nzvimbo iri kuChitungwiza uko ndakaudzwa kuti ndinoona vamwe ambuya vaibva kuMozambique kuUnit N. Ambuya ivava ndivo vakazondiyambutsa, vaiva n’anga ndikaitirwa mabiko ekugezwa nekusimbiswa mugore ra2002, ” vanodaro Mbuya Nhamburo.

Vanotizve shave ravo nderenjuzu yechikadzi.

“Injuzu yechikadzi inonzi Cecelia uye inotaura chiChewa ichibva kuMalawi. Ndiko kwandinonotora mishonga yandinorapisa vanhu, mimwe yacho pasi pemvura nemumapako. Mishonga iyi ndinoita yekurotswa – ndichienda pasi pemvura ndiri kuhope.

“Pakurapa ipapa ndinoshandisa tsvimbo, fodya yemudhombo nemachira machena,” vanodaro.

Mbuya Nhamburo vanoti kare vaiona njuzu kana vakangoenda kurwizi Nyatsime, kuChitungwiza.

“Njuzu chaidzo ndaidziona padziva riri kuNyatsime, kwainge kusati kwavakwa dzimba sezvakwava izvi. Dzaibuda mumvura tichiona nevamwe vangu vekumvura.”

Vanoti gore negore vanogezesa nekuyambutsa vanhu vakawanda vane mashave enjuzu.

“Ndinoyambutsa vanhu vakawanda vane mashave ekumvura ayo anoda kutsindidzwa. Vazhinji vandinoyambutsa maporofita, n’anga nevamwe vanorapa.

‘‘Tapedza, tinoita mhemberero tobika mupunga, nyama nehove todya tichinwa waini,” vanodaro Mbuya Nhamburo. Vanoti mwanasikana wavo anonzi Rose akachiviwa neshave ravo, “saka ndichamubatsira kuti ridzikame, agokwanisawo kurapa sezvandinoita”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey