‘Hapana anoziya nenzara’

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Hapana anoziya  nenzara’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yakazvipira kuti munhu wose awane zvekudya zvakaringana kuburikidza nekusimudzira zvirongwa zvekuwaniswa kwechikafu munyika. Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wemunyori mukuru anoshandira kumahofisi emutungamiriri wenyika, Deputy Chief Secretary to the President and Cabinet Retired Colonel Christian Katsande, pamusangano wakarongwa neveWomen’s Univeristy in Africa uyo waive wakananga kutsvaga nzira dzekusimudzira kuwanikwa kwechikafu munyika.

“Mubumbiro remutemo reZimbabwe, Chapter 4 rinotaura nezvekodzero yekuwaniswa kwekudya saka tiri kurwira kuti vanhu vange vachiwana zvekudya nechikamu che100% gore negore nekuderedza nyaya dzekuondoroka pakati pemadzimai akazvitakura nevana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa,” vakadaro.

Vanoti Hurumende yakaparura zvirongwa zvakasiyana zvakaita seFood and Nutrition Security Policy neZimAsset nedonzvo rekusimudzira kuwaniswa kwekudya kune veruzhinji munyika.

“Dambudziko rekushaikwa kwemari mudzimba ndiro rimwe guru iro riri kuita kuti mhuri dzinge dziri munzara huru. Kubvira mugore ra1995, chikamu chinodarika 60% chedzimba dziri muZimbabwe chakange chichiverengerwa kuvarombo. Dambudziko iri rakange rakanyanya kukura kumaruwa uko kwakange kuine chikamu che76% kubvira mugore ra2011-12,” vakadaro.

Rtd Katsande vanoti varimi vazhinji vave kumhanyira kurima zvirimwa zvinovapa mari yakawanda zvakaita sefodya vachisiya chibage nemapfunde izvo zvinokonzera kuti munyika muve nekushomeka kwezvekudya.
“Izvi zviri kukonzera kuti chikafu chinge chine mitengo yepamusoro kumisika mikuru,” vakadaro.

Vachitaurawo pagungano iri, Chancellor weWUA, Professor Hope Sadza, vakati pasi rose vanhu 805 miriyoni vari kukundikana kuwana chikafu chinovaka miviri uye mukati mavo 791 miriyoni vari munyika dzichiri kusimukira.

“Mushure mekuziviswa nezvehuwandu uhwu mumwedzi waChikumi 2012, nyika dzakaita musangano mukuru weUnited Nations Conference on Sustainable Development kuRio de Janeiro, Brazil. Pamusangano uyu, ndipo pakaparurwa chirongwa che‘Zero Hunger Challenge’ nemunyori mukuru weUN VaBan Ki-moon,” vakadaro.

Vanoti veruzhinji vanokurudzirwa kuziva kuti ikodzero yavo kuwana kudya kwakakwana uye madzimai achisimudzirwa kuti vange vachirima nenzira inoendeka.

“Chirongwa che‘Zero Hunger Challenge’ chine zvinangwa zvinosanganisira kuti nyika dzinge dzichiwana kudya nechikamu che100%, kupedza nyaya dzekuondoroka kwemadzimai akazvitakura nevana nekuda kwekushaya kudya kwakakwana uye kunovaka muviri, kuona kuti chikafu chemhando yose chawanikwa kwenguva ndefu pamwe nekusimudzirwa kwevarimi vadiki,” vakadaro Prof Sadza.

Share This:

Sponsored Links