Harare yonzi iri kutyora kodzero dzeveruzhinji

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Harare yonzi iri kutyora kodzero dzeveruzhinji Michael Chideme

Kwayedza

Trymore Muvhawa—

KANZURU yeguta reHarare iri kupomerwa kutyora kodzero dzeveruzhinji kuburikidza nekutadza kuvawanisa mvura yakachena yekushandisa pamwe nekuti vagare munharaunda yakatsvinda sezvinocherechedzwa mubumbiro remutemo wenyika.

Programme manager wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTinashe Mundawarara, vanoti kanzuru iyi iri kuisa upenyu hweveruzhinji panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvakaita setyphoid nekutadza kuita basa rayo sezvinotarisirwa.

“Kanzuru yeHarare iri kutyora kodzero dzevanhu. Bumbiro idzva remutemo redu pachikamu 77(a) rinoburitsa pachena kuti munhu wose zvake ane kodzero yekunge achiwana mvura yakachena. Asi izvi tinoona kuti handizvo zviri kutevedzwa nekanzuru yeguta reHarare.

“Muchikamu 73 (1) (a) munoburitswawo pachena kuti munhu wose anofanira kunge ari munharaunda yakachengetedzeka, isingakonzera njodzi kuutano hwake,” vanodaro.

Kanzuru yeHarare, vanodaro VaMundawarara, iri kupomera vanhu vanotengesera mumigwagwa kuti ndivo vari kukonzera kunyuka kwezvirwere zvakaita setyphoid.

“Muongororo yatakaita isu seZimbabwe Lawyers for Human Rights, takaona kuti kanzuru yedu iri kuhwanda nemunwe mukuedza kutiza mhosva dzayo apo iri kuti vanotengesa mumigwagwa ndivo vari kukonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

“Chokwadi ndechekuti marara haasi kutakurwa muguta, zvimbuzi zvishoma pamwe nemvura yemumapombi inenge yakasviba saka izvi ndizvo zvimwe zviri kukonzera utachiona hwetyphoid kwete vatengesi vepanze chete,” vanodaro VaMundawarara.

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo iri kuedza nepainogona kurwisa kupararira kwezvirwere zvemanyoka zvakaita setyphoid.

“Sekanzuru yeguta reHarare, tiri kushanda zvakasimba mukuedza kukunda matambudziko atakatarisana nawo. Hongu, tiri kunzwa vanhu vazhinji vari kunyunyuta asi tinovavimbisa kuti munguva shoma inotevera matambudziko avo anenge agadziriswa.

“Vanhu zvakare vari kuchema-chema nenyaya yemvura vachiti yakasviba, asi isu tinotokurudzira vanhu kuti vanwe mvura yedu nekuti yakachena,” vanodaro VaChideme.

Share This:

Sponsored Links