Harisi datya, zvinoitika: Dr Manangazira

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Harisi datya, zvinoitika: Dr Manangazira

Kwayedza

MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanoti mukadzi wekuGokwe haana kuzvara datya, asi kuti chinhu chakaumbwa nenzira dzakasiyana mushure mekunge chibereko chake chakundikana kusika kasvava.

“Harisi datya rakazvarwa nemudzimai wekuGokwe, inonzi ‘molar pregranacy’ apo mukadzi anogona kuzvara chinhu chakaumbwa nenzira dzakasiyana asi chisiri mwana. Saka vanhu vanongozopawo mazita kuti idatya nekuda kwemaumbirwo anenge akaita chinhu chacho.

“Zvinhu zvinotoda chipatara kuti zvinge zvichiongororwa nekukasika. Mudzimai anoita ‘molar pregnancy’ anenge achingoita zviratidzo zvinenge zvemukadzi akazvitakura,” vanodaro chiremba ava. Ongororo yakaitwa neKwayedza padandemutande reWebMD Symptom Checker inoratidza kuti dambudziko iri rinokonzerwa nezvinhu zvakasiyana.

“Molar pregnancy” inonzi inovepo kana zvinosigadzira kasvava muchibereko zvichinge zvakundikana zvopedzisira zvaumba zvinhu zvisina chimiro. Kunyangwe zvinhu izvozvo zvaumbika zvisiri mwana, zvinounza zviratidzo zvakangofanana nezvemunhu akazvitakura.

KURAPWA:
“Molar pregnancy” inofanira kurapwa pakarepo kuburikidza nekubviswa kwezvinhu zvinenge zvaumbWa muchibereko, kana zvikasabviswa zvinounza matambudziko kuutano. Ongororo yakaitwa inoratidza kuti mudzimai mumwe chete pakati pevanhukadzi 1 500 anoita zviratidzo zvekuva nemimba nekukasika anogona kuve ne”molar pregnancy”.

ZVINOKONZERESA:
“Molar pregnancy” inokonzerwa nekusagadzirwa kwakanaka kwezai kana kuti mbeu yababa. Kune mhando mbiri dze”mamolar pregnancies” dzinoti “complete molar” ne”partial molar”.

“Complete molar” inoreva kuti zai raamai rinenge risina kugadzirwa zvakanaka iro rinobva rachechenywa nembeu yababa kuti ringe richiumba mwana. Zai rakadai hariumbe mwana asi kuti rinongoumba chinhu chakaita sebundu kana kuti semuchero wemagrapes chinova chinoramba chichikura kusvika chazadza chibereko.

“Partial molar” ndeapo zai rinochechenywa nembeu mbiri dzababa pachizoumbika chinhu chisina chimiro uye chisiri mwana asi pamwe pacho nhumbu inogona kuratidza kunge ine mapatya asi pachizobuda mwana mumwe chete apo mumwe wacho anenge ari chinyama. Asi kashoma kuti zvakadai zvinge zvichiitika.

MATAMBUDZIKO KUMADZIMAI:
Madzimai ane makore anodarika 35 ane mikana yekuita “molar pregnancy”. Kukasika kupinda munyaya dzepabonde kwevanasikana vasati vabva zera. Madzimai vanenge vasingakasiki kuita vana avo vanotora mishonga kuti vange vachiita pamuviri inodaidzwa kunzi “clomiphene stimulation” vane mikana mikuru yekuita “molar pregnancy”.

Kana uchinge waita “molar pregnancy” pane mikana mikuru yekuti zvinogona kudzokorrora kwauri kaviri kana kudarika. Kudya kusina carotene kana kuti Vitamin A kunogona kukonzera kuti mukadzi aite matambudziko aya. Madzimai ane “molar pregnancy” anopera simba, kurutsa, kudedera, kudikitira, kuzarirwa nekurova kwehana kwakanyanya.

Vanorwadziwa muchibereko vachinzwa kuti hamuna kumira zvakanaka. Vanoburitsawo zvinhu zvakaita semagrapes kusikarudzi. Vanobuda ropa zvisinei nekuti vanenge vasiri kumazuva avo ekutevera.

Share This:

Sponsored Links