Hart oroverwa mbambo

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Hart oroverwa mbambo

Kwayedza

TORINO inoda kutenga mubati wepagedhi weEngland – Joe Hart – zvachose pachapera hurukuro idzo dzichaona mutambi uyu ari kuchikwata ichi nechikwereti.

Hart akaenda kuchikwata ichi, chinokwikwidza muSeria A, achibva kuManchester City mwaka uno zvichitevera kuuya kwakaita Pep Guardiola, achinzi anotambirako nhabvu.

Kunyangwe mutambi akamutsiva – Claudio Bravo – ari kutatarika zvikuru, Torino ine chivimbo chekuti inogona kuramba ine mubati weEngland uyu zvachose.

Mutungamiri wechikwata ichi, Urbano Cairo, anoti vari kushanda zvakasimba kuti chishuwo chavo chizadzikiswe.

“Naye tine hukama hwakanaka chaizvo,” akadaro.

“Anofara kuramba ari kuno kuTorino uye tiri kushanda kuti tirambe tinaye.”

Kutengeswa kwake kuchaitika, asi hunge kana Guardiola ari kuda kusiya Hart achienda oramba aina Bravo.

Cairo akaenderera mberi achiti, “Zvakawanda zvacho zvichaitika nekuda kweCity asi ndinofunga kuti Hart anoda chaizvo kuramba ari kuTorino, tozotaura neCity pamusoro penyaya iyi nezvavari kuda kuita.” – Daily Mail.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey