Harurwa: Manyautsa mukanwa

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Harurwa: Manyautsa mukanwa

Kwayedza

Zviri Mugapu

SVONDO rino Mai Takunda Chekero vekuBikita, kuMasvingo, vanorondedzera mabikirwo eharurwa, twunova twupukanana twunorarama nemashizha emuti sezvinongoita hwiza kana kuti mhashu, asi tuchinyautsa mukanwa zvikuru.

Zvidodiwa:

Harurwa dzakati wandei.

Dzigeze nemvura yakachena

Wozodii?

Isa harurwa muchikari kana mupoto yakachena dziine mambava adzo.

Fashaidza harurwa mumvura shomanana ine tumafuta tushoma.

Ita kuti mvura iyoyo ipere, asi hadzifaniri kunyanya kuibva.

Kuibva kweharurwa kunoonekwa nekuita ruvara rwakatsvukirira.

Chidziyanika pazuva murusero kana mune mumwe mudziyo wakashama kusvikira dzaoma.

Sarudza harurwa dziya dzinovava dzinonzi fuve wodzibvisa mune dzakanaka.

Fuve inoonekwa neruvara rwakasviba kana kuti rwakapfumburuka.

Chekudzidyisa:

Harurwa dzinodyiwa dzakadaro kana nesadza. Vamwewo vanoti fuve inovava zvekuti munhu anochema kana achiidya uye inonzi inorapa chirwere cheasima. Regai vamwe vazoti harurwa manyautsa mukanwa.

Harurwa kudya kweparwendo uye hadziwori zvekuti dzinogona kugara kwegore rose kana dzichinge dzaomeswa zvakanaka.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753

Share This:

Sponsored Links