Uncategorized

‘Hatichada kuona mahwindi’

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Hatichada kuona mahwindi’ Zvimwe zvinoitwa nemahwindi. - Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Zvimwe zvinoitwa nemahwindi. - Mufananidzo: Memory Mangombe

Zvimwe zvinoitwa nemahwindi. – Mufananidzo: Memory Mangombe

‘Vave kuita madiro, masikati’
 ‘Vemutemo vakurirwa here?’

ZVICHITEVERA kubuda kwenyaya yekurwiswa nekubirwa mari kwemunyori weKwayedza, Kingstone Mapupu, nematsotsi emahwindi kuMbare Musika svondo rapera, vaverengi vakawanda vari kushora nhubu idzi vachiti mahwindi ave kutozviita mutemo pachavo.

Mapupu akarwisa pamwe nekubirwa nemahwindi panokwirirwa mabhazi anoenda kuBeitbridge nekuSouth Africa apo aikwidza mudzimai wake bhazi.

Zvichakadai, Mapupu ari kuita zviri nani ari kumba asi hapana ati asungwa nemapurisa eZRP nenyaya iyi.
Vaverengi vakawanda vanoti vari kushungurudzwa zvikuru nemahwindi muzvimbo dzakasiyana dzavanokwirira nekuburukira mabhazi nemakombi apo vanobirwa, kutukwa nezvinyadzi kana kurwiswa.

Vanhu vakawanda vari kutumira mashoko akasiyana kubepanhau rino pamusoro pekushungurudzwa kwavari kuitwa nemahwindi. Hezvinoi zviri kubva kuvamwe vaverengi:
Dai zvaigona pashaikwa munhu anonzi hwindi nekuti tinototya kufamba nekuda kwehunhu hwavo. Mapurisa batai vanhu, musavarege vachiita zvavanoda kunge zvinonzi munyika muno hamuna mutemo. – Muverengi mukuru.
* * *
Vanochengetedza mutemo muripiko? Tanzwa nekubirwa pamwe nekumhanyiswa nemahwindi pamusika weMbare patinokwirira mabhazi. – Nyamudahondo, Waterfalls.
* * *
Mahwindi imbavha, mapurisa ngaambouya paChoppies iri panosangana mugwagwa waRobert Mugabe naCameroon Street (muguta reHarare) muone zvinoitwa vanhu. – 0771 327 054.
* * *
Mutori wenhau weKwayedza (Kingstone) Mapupu wakatoita mhanza yekuti mahwindi aya haana kuzokubaya nebanga. Mahwindi ave kutoenderera mberi, vari kushungurudza vanhu masikati machena mapurisa akatarisa. Kana muchida umboo huzere tinogona kutora mifananidzo vanhu vachidhonzwa mapurisa aripo, kwete mapurisa ekuSouth Africa kana kuti Mozambique asi mapurisa emuno eZRP. Endai paMbudzi, panaFourth Street pane mabhazi anoenda kwaMutare unonzwa tsitsi. Usaenda usiku asi kuti masikati chaiwo unoona mahwindi anove matsotsi achitorera vanhu zvikwama. Unombofunga kuti uri kune imwe nyika asi vanochengetedza mutemo vachitopfuura nepo. – M. Bvekwa.
* * *
Tatambudzwa nekudhonzwa nemahwindi, hatichada kuvaona zvakare. Makororo vanhu ava, vanodhonza vanhu mapurisa akatarisa. – 0774 055 227.
* * *
Mahwindi imbavha. Ko iwo mutemo haugone kuvabvisa here? Vanotaura zvinyadzi nekubira vanhu. Vanofanirwa kubviswa chete. – 0773 980 781.
* * *
Nyaya yemahwindi yatinetsa isu veruzhinji, kunyanya paMbare Msika. Tanzwa nekushungurudzwa uye kubirwa. Ngavasungwe. – C. Chaps, Harare.
* * *
Unoshungurudzwa nemahwindi mapurisa varipo, vasingadzivirire. – Baba Lolo, Chi-town.
* * *
Ndinonzwa kurwadziwa zvikuru kunzwa nyaya dzakadai dzichiitika munyika yedu yatakasunungura kubva muhutapwa. Chinondishamisa ndechekuti nyaya dzakadai dzinogaroitika dzichimhan’arwa asi hapana kana chidanho chinotorwa kuratidza kuti zvasvika kune vemutemo. Kuno kwaMutare kwatiri mahwindi anetsa, kunyanya panokwirirwa makombi ekuSakubva. Unotoona munhukadzi achisvika pakutobatwa kunyangwe kwakadaro kwemuviri wake asi mapurisa anenge achingotenderera nemabhasikiro achizviona zvichiitika achisiya zvakadero. Tingafara chose kana mapurisa akatora danho panyaya iyoyi yemahwindi. Tinoda rusununguko munyika yedu. – Leo Vhellaz, Mutare.
* * *
Iyi nyaya yemahwindi yatotishaisa mufaro. Kureva kuti vemutemo vakundikana kubvisa mahwindi zvachose here? Tave kutotya kufamba nekuda kwamahwindi iwaya. Rimwe zuva ndakati ndichida kunokwira mabhazi ekuenda kuSouth Africa ndiina vadzimai vangu ndakaunganirwa nemahwindi vachida kundibira paMbare Msika. Ndakatozopona nekupinda mune rimwe bhazi raivepo kunyangwe zvazvo risiriro randaida kukwira. – 0772 465 650.
* * *
Mahwindi ari kushungurudza vanhu zvakanyanya paMbare Msika apo mapurisa anenge aripo. Unotoona mupurisa achipfuura apa munhu anenge achibvutidzanwa nemahwindi. Ukanomhan’ara paPolice Base riri pamusika apa, hwindi wacho akasungwa vakuru vemabhazi anenge achitakura vanhu vanoshandirwa nemahwindi aya vanoenda kumapurisa kuti aregerwe. Unozoona pasina nguva hwindi uye adzoka zvakare ave kutoenderera mberi nekushungurudza vanhu. Saka ndinoona zvakakodzera kuti mapurisa apote achichinjwa nzvimbo dzaanoshandira kuitira kuti asaite chijairira nevanhu vakadai. – Zisupa regreen, Chakati G, Mbare Msika.
* * *
Zvakaoma mufunge zvinoitwa nemahwindi. Rimwe zuva ndakati ndichienda kunoona mwana wangu kuchikoro kubhodhingi, ndakasvika pachiteshi chemabhazi chiri panaFourth Street muguta reHarare ndokubvutiranwa bhegi rangu nemahwindi kusvikira rabvaruka. Apa ndaimanikidzwa kupinda mukombi, takapopotedzana ndikatukirirwa ndikanzi kana uchida udza mapurisa kana uchifunga kuti tinosungwa. Mwana wangu mukomana wandaive naye akatoshamisika nazvo akandibvunza kuti asi mahwindi aya ndakambonetsana nawo here. Ndakarwadziwa chaizvo musi uyu ndikafunga kuti zvimwe pane mashura andichanzwa. – 0772 780 551.
* * *
Panyaya yemahwindi, mapurisa ari kuvasiya vachiita zvavanoda nesu nguva zhinji patinokwira mabhazi kana makombi. Tinobatwa huchapa uye tinoguma tave kunyara nezvinobuda mukanwa memahwindi aya. Ukaramba kukwira kombi kana bhazi ravanoda ivo vanokutuka zvinyadzi. Maitiro avo anosemesa. Ndinogaroenda kwaMachipisa kuHighfield nemwana wangu ane makore mashanu okuberekwa uye vanondituka nezvemubhurukwa nekuda kwekuti ndinenge ndaramba kukwira kombi yavanenge vachida. Mapurisa sungai vanhu, honai zvavave kuita, humbavha nehumhondi. Ko kudai Mapupu akange asina mari muhomwe uye kuzoyamurwa kwaakaitwa nemumwe munhu chii chaiitika? Ko dai akange ari mukadzi havaimubata chibharo here? Ndarwadziwa. – Muverengi weKwayedza.
* * *
Kutaura chokwadi mahwindi ashaisa vanhu vanokwira mabhazi nemakombi mufaro.
Kudai zvaibvira mahwindi ose abatwa akandwa mujeri. Ndakabatikana chose nezvakaitwa Mapupu. Tapota mapurisa onai zvekuita nemahwindi. – A.C.K, Harare.
* * *
Mahwindi epaMbare Msika anoshungurudza zvenyu imi. – 0773 773 172.
* * *
Ini ndinoti hatichade zvemahwindi, pose panokwira vanhu michovha vanotobvisa vatyairi ivo ndivo vanenge vave vatyairi nemakondakita. – 0716 776 228.
* * *
Vaverengi, rambai muchitiudza zvamuri kuitwa nemahwindi kwamuri ikoko panhamba dzinoti 0714 200 007. Kana muine mifananidzo yezviri kuitwa nevanhu ava, sunungukai kuitumira tiiburitse. Kana imiwo mahwindi, tiudzei zvamuri kuita veruzhinji.

Share This:

Sponsored Links