hatidi kurohwa: vana…‘Vadzidzisi zivai pamunogumira’

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
hatidi kurohwa: vana…‘Vadzidzisi zivai pamunogumira’

Kwayedza

VANA vechikoro vanoti havadi kurohwa nevarairidzi kana vakuru vezvikoro nekuti dzimwe nhengo dzavari kurohwa sekumagadziko hadzikodzeri.

Kwayedza svondo rino yakaita tsvakiridzo pamusoro penyaya yekurohwa kwevana nevarairidzi muzvikoro zvichitevera mutongo wakaturwa nedare reHigh Court nguva yadarika wekuti pari zvino vana vanogona kurangwa nevabereki kudzimba kana nevarairidzi kuzvikoro kana zvichinge zvaonekwa zvakakodzera.

Dare reHigh Court rakatura mutongo uyu apo nyaya yekuti kurohwa kwemunhu kunokwanisa here kushandiswa sechirango yakakwidzwa kudare repamusoro reConstitutional Court iro rasati rapa mutongo waro.

“Ini handioni zvakakodzera kuti tinge tichirohwa nematicha muzvikoro nekuti vamwe vacho vanenge vagara vaine daka newe. Sekuti vanenge vachidawo musikana wako kana kuti unenge uri munhu anochena kupinda ivo. Zvino kana vakangofunga kukurova vanogona kukutsvagira nyaya kana kutoona vachirova musikana wako magadziko iri nzira yekukusvotesa. Hatidi varairidzi vanorova magadziko nemawoko edu nemablack board duster,” akadaro Takudzwa Gorerino (18) wekuMunyati High School, kuKwekwe.

Confidence Marimo (17) wepachikoro chimwe chete ichi anoti vana vechikoro havafanire kuroverwa kufoira.

“Zvekurohwa taramba nekuti kana tichienda kuchikoro tinenge tichida kunodzidza. Kana tichinge tafoira tinofanira kuiswa mumupande wedzokororo (remedial class) kuti tibatane nevamwe. Hapana mudzidzi anofarira kufoira nekuti shungu dzinogona kuvapo dzekudzidza asi chipo pasina.

“Ibasa revarairidzi kuti vatarise vadzidzi kuti zvipo zvavo zviri papi kuti vazvikwiridzire. Vamwe tine hunyanzvi hwekugona bhora nekumhanya,” akadaro Marimo.

Amos Masara (17) anotiwo zvimwe zvikoro zviri kungowanza vana mumakirasi izvo zviri kuita kuti vadzidzisi vanetseke kuita basa ravo nemazvo.

“Unoona mukirasi muine vana vanodarika 60 apo kakirasi kacho kari kadiki. Munofunga kuti ticha angagona kufundisa vana vose vachipasa? Anopedzisira ave kungorova vana nekuti ruzha haruperi, zvikuru kuvana vari kumaGrade 5 zvichidzika.

“Zvakare kurova kwacho kunofanira kutaurwa kuti panhengo dzipi uye neshamhu here kana zvibhakera nekuti kune vamwe vadzidzi vari kukandwa mbama nezvibhakera nevarairidzi vavo. Dzimwe shamhu tinoona dzichidaukira pamazamhu evanasikana,” akadaro Masara. Joseph Kadhoso (18) anotiwo vadzidzi vanofanira kurohwa kuitira kuti varemekedze varairidzi.

“Kune vamwe varairidzi vane miviri midiki, nokudaro vamwe vana vane katsika kekudherera vadzidzisi vachitora mukana uyu. Unoona murairidzi achisvereredzwa kana kutogarirwa kubhawa achirohwa nevana vaanodzidzisa.

“Kana Bhaibheri rinoti vana ngavave pasi pemurawu wevabereki kureva kuti munhu mukuru wose mubereki, kusanganisira vadzidzisi. Mutemo ngaurambe wakadaro uchipa kodzero yekurova kuvarairidzi asi unge uine zviga kuti vana vasakuvadzwe kana kuurayiwa,” akadaro.

Munguva pfupi yadarika, Justice Joseph Mafusire vedare reHigh Court, vakapa mutongo wekuti vabereki nevarairidzi vambofanoranga vana panguva iyo dare reConstutional Court riri kuongorora nyaya iyi.

Chief Justice Godfrey Chidyausiku vanoti pachine nguva yekuti dare reConstitutional Court iri rimbonzwa kubva kumapoka akasiyana kunaka kana kuipa kwemutemo wekuti munhu arohwe sechirango.

 

Share This:

Sponsored Links