Hatidi rusarura: Chikwinya

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Hatidi rusarura: Chikwinya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
GURUKOTA rinoona nezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda, Cde Nyasha Chikwinya, vanoti vanoshushikana zvikuru nenyaya dzekumbunyikidzwa kuri kuitwa mamwe madzimai panguva yavanotsvaga basa nepavanenge vachishanda.

Vakataura mashoko aya kuvatori venhau muHarare svondo rapera pagungano rekudzidzisa vanhukadzi nyaya dzekutungamirira mabhizimisi.

“Hatichadi kuramba tichitambudzwa mumabasa nekuti tinoona madzimai mazhinji achimbunyikidzwa nenzira yebonde apo vanotsvaga basa kana mumabasa mavanoshanda. Zvakare, misika yekutengesera zvinhu zvedu zvatinogadzira inofanira kunge iripo pane kuti tinetseke kana isu mabasa tichimaita nemazvo.

“Tinoda kupedza nyaya dzerusarura kumadzimai kuti vange vachitariswa sevanhu vakaenzana nevarume, zvikuru munyaya dzekuwaniswa mabasa,” vanodaro.

Cde Chikwinya vanoti madzimai anofanira kusimudzirwa kuitira kuti vakwanise kuisa mari kumabhanga iri mumazita avo.

“Nomusi wa5 Chivabvu gore rino, richava zuva guru reInternational Family Day apo madzimai anokurudzirwa kuti vauye nemhuri dzavo tichionesana kukosha kwemhuri. Pazuva iri ndipo patichaparura bhanga remadzimai, reWomen’s Bank, rinova pasi peZimbabwe Women’s Skills Development Trust,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Semadzimai, tinoda kufambirana nechirongwa cheHurumende, cheZim-Asset, chekusimudzira upfumi kuburikidza nemabasa atinobata. Hatifanire kuva vanhu vakangomirira kupemha uye ndinotenda nechirongwa chekufundiswa kwemadzimai nyaya dzekutungamirira vamwe muzvirongwa zvine chekuita nebudiriro yavo.”

Vanoti munyaya dzemabasa, madzimai achiri kunetseka kuti vawane zvigaro zvepamusoro.

“Madzimai ari kupihwa zvigaro zvepasi mumakambani izvo zviri kuita kuti nyaya dzakadai sezororo remateneti, kumbunyikidzwa nenzira yechibharo nedzimwe dziwanikwe dzichifuratirwa. Mitemo bedzi haikwanisi kugadzirisa matambudziko aya asi kuti zvave kuda kuti vanhu tishandure pfungwa dzedu.”

Zvakadai, Zimbabwe nemusi weChitatu svondo rino yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhukadzi, reInternational Women’s Day. Zuva iri rinocherechedzwa musi wa8 Kurume.

Cde Chikwinya vanoti mhemberero dzezuva iri dzegore rino dziri kutarisa matambudziko anosanganikwa nevanhukadzi mumabasa, kodzero dzavo nekusimudzirwa kwemabhindauko avari kuita.

Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pasi pedingindira rinoti, “Ngatisimbei mukutambira shanduko – Mudzimai watinoda: Anoita mabhizimusi anomupa mari, ane pfungwa, runako nekuita zvinoenderana naye”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey