Hatidi zvidhakwa: Tsipa . . . zvinokanganisa nhabvu

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Hatidi zvidhakwa: Tsipa . . . zvinokanganisa nhabvu

Kwayedza

MUTAMBI weCAPS United, Leonard Tsipa – uyo akahwina mubairo weGolden boot mwaka uno uye ndokuve 1st Runners-up waSoccer Star of the Year – okurudzira vamwe vatambi kuti vasiyane netsika yekutora zvinodhaka zvinosanganisira mbanje nedoro kana vachida kusvika kure nemutambo uyu.

Aka ndekechipiri Tsipa achihwina mubairo uyu weGolden boot uyo waakambohwina zvakare mugore ra2004 apo akanwisa ka18.

Asi mwaka uno Tsipa akahwina mushure mekunge anwisa ka11 chete kubva mumitambo 30 yePremier Soccer League kunyangwe hazvo asina kutamba yose sezvo mimwe yacho akambopihwa red card.

Chinhu chakakatyamadza vatsigiri vazhinji venhabvu mwaka uno inhau yekuti Tsipa, uyo ane makore 34 ekuberekwa, anotariswa semutambi akura asi akanwisa kudarika vatambi vakawanda vakaita saWalter Musona weFC Platinum naRodreck Mutumwa weDynamos avo vaitarisirwa kunge vachirwira Golden boot ya2016.

Muhurukuro neKwayedza, Tsipa anoti kuputa mbanje nekunwa doro uye hupenyu hwemumabhawa ndizvo zvimwe zvezvikonzero zviri kudzorera vatambi venhabvu vemuno kumashure.

“Chandakaona ndechekuti kunyanya kunwa doro nekutora zvinodhaka zvisingatenderwe zvakaita sembanje uye hupenyu hwemumabhawa ndizvo zvimwe zvezvikonzero zviri kutadzisa vatambi vemuno kuenda kure mumutambo uyu.

“Ini muchinditarisa ndinogona kuchengetedza hupenyu hwangu kunyangwe ndichinzi ndakura muhupenyu hwemunhabvu asi ndinozvichengetedza zvakanaka uye ndichishanda nesimba.

“Vatambi ngavasiyane nezvinodhaka uye vape hupenyu hwavo kuna Mwari zvinogona kuvafambira,” anodaro Tsipa.

Anoti chimwe chiri kutadzisa nhabvu yemuno kusimukira zvakanaka ndechekuti zvikwata zvizhinji hazvisi kukoshesa kusimudzira matarenda evechidiki.

Anoti vatambi vakaita saKhama Billiat naKnowledge Musona vari kudadisa vachitambira kunze kwenyika nekuti vakanyatsobikwa vachiri vadiki.

“Ini kuti ndisvike pandave ndichiri kutamba nhabvu inyaya yekuti ndakabikwa zvizere ndichiri mudiki kuma juniors eCAPS United.

“Iye zvino hapana zvikwata zviri kukoshesa vechidiki zvinongoda kutenga vatambi vakabikwa kune chimwe chikwata, manje hazvishande.

“Khama naMusona wega unotoona kuti vakabikwa vachiri vadiki ndosaka vachitamba matambiro avanoita parizvino uye vanosvika kure nemutambo uyu,” anodaro.

Zvichitevera matambiro aakaita mwaka uno, pange pane hurukuro dzange dzichiitwa nevatsigiri pamwe nevaongorori venhabvu pamusoro pekuti Tsipa angaende kuAfcon nemaWarriors here kana kuti kwete.

Asi mutambi uyu anoti haazive kuti murairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, anomuda here muchikwata chake chekuenda kuGabon.

Anoti kana akashevedzwa kuti aende kuGabon achatambira nemawoko maviri oshanda nesimba kurakidza kuti sei achikodzera kuenda kumutambo uyu asi kana akasaenda achange achitsigira maWarriors mumitambo yawo yose.

“Chandinoziva ndechekuti hatingatambire tose maWarriors uye tichangomirira kunzwa kubva kuna Pasuwa kuti achasarudza ani kuenda kuGabon.

“Ini ndinoshuvira kuenda kunomirira nyika yangu sekushuvira kunoita vamwe vatambi vose asi zviri mumawoko aPasuwa uye chikwata chinenge chasarudzwa ichocho ibasa redu tose kuti tichitsigire.

“Muno munyika tine tsika yekungoshora varairidzi asi tinofanirwa kubatana kutsigira Pasuwa nekuti akabata basa kubatsira chikwata kuti chiende kuAfcon, ngatimutsigire,” anodaro Tsipa.

Panguva iyo apo Tsipa akamirira kunzwa chikwata chaPasuwa chichasarudzwa kuenda kuAfcon, ave kutanga gadziriro dzechikwata chake cheCAPS United dzeChampions League.

Shasha yePSL gore rega-rega inowaniswa mukana wekunokwikwidza mumutambo weCAF Champions League umo inosangana nezvimwe zvemuAfrica.

 

Share This:

Sponsored Links