Hatidzore tsvimbo: Caps

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Hatidzore tsvimbo: Caps

Kwayedza

Abel Ndooka —
CHAMANGWIZA weCAPS UNITED – Cuthbert Chitima – anoti chikwata chavo hachisi kuzodzora tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso mumutambo weCAF Champions League zvichitevera kubudirira kwachakaita kupinda mumagroup-stages apo chakakunda TP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo.

Mitambo yezvikwata zviviri izvi yakapera iri mangange 1-1 kuDRC kozoti 0-0 muno izvo zvakaona Kepe-kepe ichifambira mberi mumutambo uyu.

Mumitambo iri kutevera, CAPS UNITED inogona kusangana nezvikwata zvikuru zvakaita seMamelodi Sundowns (South Africa), Zamalek (Egypt), Al Ahly (Egypt) neEtoile du Sahel (Tunisia).

Zvichitevera kukunda kwavakaita TP Mazembe, Lloyd Chitembwe nechikwata chake vakabva vanyora nhoroondo nekuti ndivo vakaita vekutanga kuCAPS UNITED kusvika kumagroup-stages emutambo uyu.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Chitima anoti yasvika zvino nguva yekuti Kepe-kepe irakidze Africa yose kuti inyanzvi munyaya dzenhabvu uye iri kutorwira kuhwina mukombe weCAF Champions League.

“Nhabvu yemuno yange yadzikira saka isu tave kuimutsa zvakare uye tinoda kurakidza Africa nepasi rose kuti CAPS UNITED yadzoka zvemashuwa.

“Mukombe uyu tiri kuda kuunza muno, hatisi kutambira kungonzi tatambawo, kwete. Tiri kutoda kuhwina mukombe uyu uye hatisi kuzodzora tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso .

“Mamelodi Sundowns yekuSouth Africa yakazviita gore radarika saka chinotitadzisawo chii isu? Hapana. Yave nguva yekuti mudunhu reSouthern Africa timbotongawo panyaya dzenhabvu,” anodaro Chitima.

Kubudirira kwakaita Kepe-kepe kupinda mumagroup-stages kwakaona chikwata ichi chichiwaniswa mazakwatira emari anosvika US$550 000.

Chitima anoti chikwata chavo hachisi kumbofunga nezvemari iyi asi zvekuhwina mukombe weChampions League uyo uchauya nemari inosvika US$2,2 miriyoni.

“US$550 000 imari shoma chaizvo saka tingafarirei mari shoma iyi isu tine mukana wekuhwina zhinji US$2,2 miriyoni?” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Isu tave kufunga zvekumberi zvekuhwina mukombe uye hapana chichatitadzisa. Tangomirira kuziviswa kuti tiri muboka ripi uye zvikwata zvese zvatichasangana nazvo ngazvingwarire nekuti isu tichange tichitobhebha furo nehasha. Dzinochekwa chete gore rino!

“Kwatabva ndiko kwange kune makata, kwatave kunanga kunewo makata asi zvakasiyana nekwatabva nekuti tarakidza kuti tinokodzera kuve tiri pakati pezvikwata zvepamusoro zvemuAfrcia.”

Mwaka uno CAPS UNITED ichange ichirwira mikombe miviri mikuru inoti Premier League neChampions League.

Chitima anoti Kepe-kepe yakarwa zvikuru kuchengetedza vatambi vayo vese avo vakahwina mukombe wePSL gore radarika uye ndokupamidzira vamwe nechinangwa chekusimbisa chikwata apo vakatarisana nekurwira mikombe miviri iyi.

“Takagona kuramba tine vatambi vataive nayo mwaka wadarika izvo tiri kuona kuti zvichatibatsira zvikuru mwaka uno mukurwira kuchengetedza mukombe wedu wePSL uye kurwira weChampions League.

“Kubudirira kuenderera mberi muChampions League kwativhurira mukana wekuwedzera vamwe vatambi vashanu vanosanganisira Leonard Tsipa uyo watakambenge takatsveta mumitambo yadarika,” anodaro Chitima.

Chitima anoti anotenda vatsigiri venhabvu veCAPS UNITED pamwe nevezvimwe zvikwata avo vakauya kuzovatsigira svondo radarika mumutambo wavo neTP Mazembe.

“Vatsigiri vedu nevamwe vakatifadza svondo radarika nekuuya kuzotitsigira kwavakaita, zvinhu zvinofadza chaizvo uye isu tinotenda nazvo, ngazvirambe zvakadaro.

“Patinotamba tinenge tisingatambire CAPS UNITED chete, asi tinenge tine nyika yese nekuti chatinoda kuona nhabvu yemuno ichisimukira uye ichiwana rutsigiro rwakasimba sezvaimboitika kare,” anodaro.

Chikwata chichahwina mukombe weCAF Champions League gore rino, kunze kwekupihwa US$2,2 miriyoni, chinowaniswa zvakare tikiti rekunokwikwidza kumutambo we2017 FIFA Club World Cup uyo uchaitirwa kuUnited Arab Emirates muna Zvita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>