Hatidzore tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso!

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Hatidzore tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso!

Kwayedza

HAZVISI zvokurwisana izvi, asi kutora rupawo rwamadzitateguru pane vanhu vane misoro yazara pfungwa namaitiro enyika dzokumadokero, nemafungiro anoita kunge vanhu vasina kupihwa mutauro wavo wakakwana, uyewo maitiro anoita kunge zvinoshamisira kuti wakafoira mutauro waamai. Asi haisi yenyu vana vakanyora bvunzo.

Zvamave kuti “intelligence” nhasi uno kunyanya mukuchengetedzwa kwenyika kana mumabhizinesi chaiwo hazvaingotaurwa-taurwa zvokuti munhu wese azive kuti makanangei.

Kana kunyeya munhu chaiko hazvaitwa sezvamuri kuita mukore uno.
Wainyeewa uripo ugozvishaya. Ndosaka Mukwende achigaroti, chihwerure hachiende kumba. Chinonotsvagei iro jakwara riri paburiro?
Mazuvano tinemi muZanu-PF nokuti tiri kutsvaga kuti ivo vamwe venyu vari kuti “E-e, pamunhondo, pamusasa; bwedu bwedu tibwedu, abwede, abwede chandibwede, kubwedenura kwandazoti bwede zvangu zvabva nokupi. A! Mucheche ndiani?”

Mavinguka amuri kuita mumusangano wavanhu, vamwe tichinzwa kuti mave kuda kuuisa muhomwe kunge wenyu.
Ndipo patisvitsa pamavingu toudzana kuti “haudzore tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso.”

Cde Didymus Mutasa, ndezvavanhu izvi zvamuri kuda kuenda nazvo kumatare edzimhosva. Kana nemi Cde Joice Mujuru kuramba makanyarara zvichinzi VaMutasa vari kurwira imi, zvinoramba zvotipa mibvunzo yakawanda.

Nhasi mazoda zvamatare emhosva ko ivo vanhu vacho vamunoti vanopa rutsigiro kuna Cde Mujuru munovatyei? Pamaida rutsigiro rwokupinda mudare reParamende, makaenda kumatare here?

Ko nhasi vaipei?
Mukwende haatye kutaura kuti hatirege zvavanhu zvichizvuzvurudzwa mumadhaka nokuti pane vanhu vanozviita vana vaNyachide.
Tinobva taita makuru tose!

Ndosakawo tisiri kuzodzora tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso.
Vazhinji varwi vehondo yorusununguko vasina chouviri, varwi vakanaiwa nemvura, vakarumwa noumhutu, vakadzoka kumusha muna1980 vachiwana misha yangove matongo.

Ndivo varwi vorusununguko vatinotarisira kuti vabvunze kuti takarwirei, kwete vanhu vakaramba vachingokabira, norumwe rutivi vachinge vachatitengesera nyika.

Endai kumatare. Mapepanhau anokutsigirai ngaakukwidzei ndege dzamashanga, asi nyaya ndiyo imwe cheteyo: hatidzore tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso.

Tikadaro munorozva vanhu zvamakange maita mugore ra2008 muchiita vana “bhora musango” muchifunga kuti vanhu zvituta.
Chakachenjedza ndechakatanga.

Vazhinji vakafira Zimbabwe. Vazhinji vaidawo zvamuri kuwana nhasi uno, asi zvakatadzikana, vamwe vachiparara.
Chisingambopawo vanhu manyemwe okuti taisa nyika mugwara, nyika yatakarwira tega chii? Kungotaura zita raVaMugabe pese pese, hazvigadzirise zvinhu gumi nefararira zvakatarisana nenyika.

Kuguta kweZimbabwe kushanda kubvira kuna President Mugabe kusvika kumunhu ari pasi pasi.
Vari kumatare ngavashande dzimwe mhosva kwete dzavanhu vakange vari varidzi vezvinhu, vanoti kana zvigaro zvavapotsa, voti zvanzarwo nei.
President Mugabe vakati kuruza kwaVaMutasa kudunhu rokwaMakoni hakusi kuruza kweZanu-PF, uyewo hakuzombofa kwakave kuruza kweZanu-PF.

Pakanzi naMbuya Nehanda “mapfupa angu achamuka”, dai zvakange zviri zvenguva diki diki dai vakazvitaura nokuti kutaura udzamu hwokumuka kwamapfupa avo, zvaive zvinhu zvikukutu.

Ndopedzisa naCde Mujuru. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Cde Mnangagwa vakati Zanu-PF inenge nzou (mutupo wenyu) inoramba ichingofamba, isinganeti. Inopfuura napamisha yavanhu igohukurwa nembwa, asi inoramba ichingofamba chete, isingaroti.

KuZambia kwakabva kuitwa sarudzo svondo rapfuura, Amai Inonge Wina vakaita mudzimai wokutanga kusarudzwa kuve mutevedzi waVaEdgar Lungu, mutungamiri mutsva weZambia, zvamakamboitwawo.

VaLungu vakaudza vanhu kuti Amai Wina mudzimai akaunza kugadzikana nokubatana mubato ravo rePatriotic Front mushure mokushaika kwaPresident Michael Sata gore rapera. Pavakaona mitswe yazara mubato, Amai Wina vakamira nomunhu wavakaziva kuti ane chiono chokuti bato rikunde musarudzo.

Havana kuti zvavakange vari ivo sachigaro webato, zvavo zvatoita, vave kutora mukana worufu rwaPresident Sata kuve navanhu vavowo. Murume wavo muchakabvu Arthur Lubinda Wina vaizivikanwa zvikuru mune zvokurwira rusununguko rweZambia uyewo munyaya dzefundo.

Asi, Amai Wina vakaziva kuti mugoti unopihwa anyerere, kwete zvokuramba vanhu vanyerere vachitemba navanhu vavanoti ndevavo ivo vari vanhu vomusangano weZanu-PF. Unoshayawo kuti chii nokuti kumatare variko, uyewo kuda kuumba bato ravo kurikowo, nerimwe divi voziva kuti kuzvicherera hunza kubuda muZanu-PF.

Svondo ronouya!

Share This:

Sponsored Links