Hatina kana sendi: Zifa

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Hatina kana sendi: Zifa

Kwayedza

‘. . . tiri kutopemha mari yekuAfcon’

SANGANO rinotungamirira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti harina kana kobiri mudura maro apo zvikwata zvenhabvu zviviri zvemaWarriors nemaMighty Warriors zvakatarisana nekunokwikwidza kumitambo yeAfrican Cup of Nations munguva inotevera.

Chikwata chemadzimai chemaMighty Warriors ndicho chichatanga kunokwikwidza sezvo chiri kuenda kumutambo weAfcon uchatambirwa kuCameroon kutanga musi wa19 Mbudzi uchizopera musi wa3 Zvita.

Mitambo yemaWarriors yeAfcon iriko kutanga kwegore rinotevera uye ichaitirwa kuGabon muna Ndira.

Kubvira makore mazhinji adarika, vatsigiri venhabvu vemuno vanogara vachishoropodza Zifa vachiti haina kurongeka zvakakwana sezvo inozotanga kutsvaga mari yekutumira zvikwata zvenyika kunokwikwidza kumitambo yakasiyana apo mazuva acho anenge aswedera.

Nguva pfupi yadarika apo Zimbabwe yaifanirwa kusangana neGuinea mumutambo wayo wekupedzisira wekurwira tikiti rekuenda kuAfcon, rwendo rwacho rwekuenda kuConakry rwaive nekugomera kukuru sezvo Zifa yakazokwanisa kuwana ndege yekutakura vatambi ava nguva pasisina.

Chris ‘Romario’ Musekiwa

Chris ‘Romario’ Musekiwa

Izvi zvakaita kuti vamwe vatambi vanotambira nhabvu yavo kunze kwenyika vakaita saCosta Nhamoinesu naMarvelous Nakamba vashaye nguva yekugadzirira nevamwe sezvo vakabva kuEurope ndokunanga kuConakry kumutambo uyu nguva yapera.

Svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro nemukushi wemashoko kuZifa,  Xolisani Gwesela, kuti inzwe kuti sangano iri rave padanho ripi mukugadzirira zvikwata zvemaWarriors nemaMighty Warriors mari yekuenda kuAfcon.

Gwesela anoti pasi rose zvikwata zvenhabvu zvinobatsirwa nemari inobva kumasangano akasiyana saka zvakakoshawo kuti emuno abatsire maWarriors nemaMighty Warriors kuti nzendo dzavo kana nguva yasvika dzive nyore.

Anoti kana zvikwata zviviri izvi zvichinge zvahwinha mumitambo yazvo, Zimbabwe ndiyo inopembedzwa asi kana mamiriro ezvinhu asina kunaka veruzhinji vanomhanyira kupomera Zifa mhosva.

“Takatotanga kunyora tsamba kumasangano akasiyana tichikumbira rubatsiro nekuti chinhu chikuru kubudirira kwatakaita kuenda kuAfcon. Zvikwata zvenhabvu izvi ndezvenyika saka Zimbabwe yose inofanirwa kubatana kudira mari kuti zvikwata zvedu zviende zvinotisimudzira mureza wenyika.

“Kana tikanokunda tinopembedzwa senyika, saka zvinoda kuti tigadzirire nguva ichiripo,” anodaro Gwesela.

Obvunzwa neKwayedza kuti zvavari kumhanya kutsvaga rubatsiro mudura ravo parizvino makambomira sei uye munei, anoti: “Izvozvo ndizvo zvisina basa, vanhu havafanirwe kuziva kuti tinei mudura redu. Kana vanhu vachida kubatsira ngavangobatsira uye tinozvitambira nemawoko maviri totozvishambadza kuti nhingi nanhingi ndivo vatibatsira.

“Isu hatina mari zvamunongoziva ndosaka tiri kutsvaga rubatsiro.”

Svondo radarika, vatsigiri  nevaongorori venhabvu vaidya magaka mambishi nemabatirwo ari kuitwa murairidzi wechikwata chemaWarriors, Kallitso Pasuwa, zvichitevera kugadzwa kwakaitwa komiti yeHigh Performance Committee nesangano reZifa iyo ichange ichiongorora mashandiro ake.

Komiti iyi ine nhengo dzinoti Omega Sibanda anove mutevedzeri wemutungamiriri weZifa, Zifa technical director Taurai Mangwiro, Sunday Chidzambwa, Moses Chunga, Rahman Gumbo naInnocent Chogugudza.

Mutungamiri wesangano reWarriors Friends Club Tendai ‘T Burns’ Zhakata anoti haaone komiti iyi ichibatsira mukusimudzira maWarriors.

“Ngavatange kutsvaga mari kwete zvimwe zvisina basa, ino inguva yekugadzirira chikwata chedu chiende kuGabon kunokwikwidza.

“Zvimwe zvisina basa izvi hapana kwazvinotisvitsa,” anodaro T Burns.

Shasha pakuongorora nhabvu ari zvakare mutsigiri mukuru wemaWarriors, Chris Musekiwa uyo vazhinji vanoziva saRomario, anoti pane kuti Zifa igadze komiti yekuongorora Pasuwa, sangano iri kudai ratokumikidza komiti yekutsvaga mari sezvo pasara nguva shoma yekuti maWarriors achienda kuGabon kuAfcon.

“Dai zvavo vakatogadza komiti yekutsvagira maWarriors mari nekuti gadziriro dzinotanga izvezvi kwete mutambo wave kusvika,” anodaro.

Zvakadaro, draw remitambo yeAfcon yemadzimai yakaitwa svondo radarika uye maMighty Warriors akaiswa muGroup A umo achasangana neCameroon, South Africa neEgypt. Chikwata chemadzimai chenyika ichi chakatamba mutambo wehushamwari neEgypt svondo rino neChipiri kunhandare yeRufaro Stadium ndokukunda 2-1.

 

Share This:

Sponsored Links