‘Hationane natezvara’

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Hationane natezvara’

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso
MUKUWASHA anoti ashaiswa rugare nekugara achizvindikitwa kurohwa nemadzitezvara ake pose paanovashanyira kumusha kwavo achida kuona vana vake zvichitevera kurambana kwaakaita nemudzimai wake. Vincent Zvinavashe akamhan’arira Sandra Chimonyo kudare reHarare Civil Court achiti ari kumurunzira kuti agare achirohwa nemadzitezvara ake.

“Pari zvino hatisi kugara tose nemudzimai wangu. Ndinoitawo chido chekushanyira vana nekuvaendesera zvokudya nezvekupfeka.

“Dambudziko nderekuti pese pandinoenda kumba kwavo, vanondirova vese semhuri. Vakanditema nematombo ndikakuvara ziso iri uye pari zvino ndiri kutoda kutora tsamba yekwachiremba kuti ndinorapwa,” anodaro.

Zvinavashe akati haazive zvinotaurirwa vanatezvara vake nemudzimai wake izvo zvinoita kuti vamurove.

“Pose pandosvika kumusha kwavo, madzitezvara vangu vanonzwa hukasha vachifunga kuti ndiri munhu akashata. Pandakapedzisira kumushanyira akandirova nepoto mumusoro.

“Gore rapera muna Gunyana zvakare, ndakabva ikoko ndichimhanya mushure mekunge ndadzingirirwa nematombo nanavatezvara. Ini mhuri yangu ndinoida asi ndanga ndichikumbirawo gwaro rerunyararo pakati pangu nemudzimai wangu kuti arege kundituka, kundirova kana kundirukira manyepo nekuti ndizvo zviri kundikanganisa hukama hwangu nehama dzake zvichindishaisa rugare,” akadaro Zvinavashe.

Chimonyo akapikisana nemashoko aitaurwa naZvivanashe achiti: “Zvaari kutaura zvese manyepo nekuti ini handina kumbobvira ndamurova kana kumutuka, ndiye atori netsika yekugara achindirova. Ndiri kupikisana nechikumbiro chake nekuti ndini ndinofanira kunge ndichitokumbira gwaro iri.”

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare kuzonzwa mutongo wenyaya yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>