‘Hatisi kufarira mutengo wefodya’

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Hatisi kufarira mutengo wefodya’ VAPHILEMON Mangena

Kwayedza

VAPHILEMON Mangena

VAPHILEMON Mangena

Kingstone Mapupu
VARIMI vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwekudzikira kwemutengo wefodya kubva pakatanga mwaka uno masvondo matatu akadarika uye vari kukumbira Hurumende kuti ipindire munyaya iyi sezvo vachiti vari kubiridzirwa nevanotenga. Kwayedza svondo rapera yakaita ongororo kumisika yakasiyana inotengeswa fodya muHarare ndokuita hurukuro nevarimi vakatsaukana avo vaiti mutengo wechirimwa ichi wakanyanya kudzikira.

Mbuya Annah Chifamba (63) vekuHurungwe avo vakawanikwa vari kuBoka Tobacco Auction Floors vakanyunyuta zvikuru vachiti mabhero avo mana akanga atengwa ne$1 pakg.

“Mutengo wandawana pano wandirwadza mufunge, ndauya nababa izvozvi tiri kushaya kuti todzokera sei kumusha mari yatawana haisvike US$500.

“Apo vashandi vakatimirira kumusha vanoda kubhadharwa mari yekushanda kwavakaita. Kudai hurumende yapindirawo veduwe-e,” vakadaro Mbuya Chifamba.

VaTichakunda Makaripe (40) vekuMutungagore kuMt Darwin, avo vakanga vaunza mabhero avo matanhatu kuTobacco Sales Floor, vakati fodya yavo yaiva yatengwa mari iri pakati peUS$0,80c neUS$2 pakg.

“Handizive kuti kumusha kune mudzimai nemhuri ndinodzokera sei? Vanoguma vave kufunga kuti ndakadya mari nepfambi kuno kana kuti iwe murimi unoguma wazviuraya ukatadza kusvika kumusha nekutya zvikwereti zviri kumberi,” vakadaro VaMakaripe.

Mumwewo murimi wekwaKachuta kuGuruve, Mai Isabel Muturikwa (50), vakatsinhira vachiti Hurumende inofanira kupindira kuti varimi vabhadharwe mari inovapa pundutso kuitira kuti basa rekurima fodya rifambire mberi zvakanaka.

Zvakadaro, VaPhilemon Mangena avo vanova managing director wePremier Tobacco Auction Floors vanoti mitengo yefodya nguva zhinji inotanga yakadzika ichizokwira nekufamba kwenguva.

“Chedu isu kupa nzvimbo yekuti fodya itengeserwe chete nevarimi nevanotenga. Zvave kuenda zvichiita nani nekuti tine varimi vazhinji vari kutengerwa nemari yepamusoro kusvika paUS$4,99 pakg,” vakadaro.

Vanoti kazhinji fodya inotengwa nemari yakaderera inenge iri yemashizha ekutanga epasi.
“Nyaya huru ndeye kuti varimi vazive kutemha kusarudza nekupisa fodya yavo kusvikira kuisa mumabhero,” vakadaro.
“Tinotarisira zvakare kuti mwaka uno fodya ichawedzera kudarika wapera,” vakadaro VaMangena.

Chamangwiza weBoka Tobacco Floors, Muzvare Rudo Boka, vakakurudzirawo varimi kuti vave neruzivo rwakakwana munyaya dzekurima fodya kuitira kuti ive yemhando yepamusoro zvinoitawo kuti izotengwa kumisika nemari inovagutsa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>