Hatisi kutamba: Ngezi

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Hatisi kutamba: Ngezi

Kwayedza

. . . Ndiraya ari kuvimbisa mukombe
Abel Ndooka —

MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars – Tonderai Ndiraya – anoti kuenda kwaitwa nechikwata chake pamusoro pelog rePremier Soccer League hakuzi kutungamira kwetirakita sezvo vari kutorwira kutora mukombe uyu gore rino.

Ndiraya akagadzwa pachigaro chinopisa kuchikwata ichi gore rapera zvichitevera kugumurwa kwakaitwa Cliffton Kadurira uye mumwaka wake wekutanga, Ngezi Platinum yakahwina mukombe weChibuku Super Cup.

Zvakadai, chikwata ichi chakazopedza mwaka uyu chakagara pechinomwe muligi.

Svondo rino Ndiraya akaudza Kwayedza kuti chishuviro chechikwata chake mwaka uno kuhwina mukombe wePSL chete.

“Isu sechikwata takagara pasi tikaronga mwaka wedu zvatinoda kuona zvichiitika uye tiri kushanda nesimba kuti tisvike tigohwina.

“Mwaka uchiripo asi tinofanirwa kushanda nesimba kusvika tahwina,” anodaro Ndiraya.

Parizvino, Ngezi ndiyo iri kutungamira palog rePSL uye vatsigiri venhabvu pamwe nezvimwe zvikwata zviri kuti uku kutungamira kwetirakita hapana kwainosvika.

Nguva pfupi yadarika, murairidzi weCAPS UNITED – LIoyd Chitembwe – akati chikwata chake chicharwa zvakasimba kuchengetedza mukombe wePSL uyo chakahwinha mwaka wadarika.

Chitembwe anoti havasi kuvhunduka nekutungamira kuri kuitwa palog nezvikwata zvakaita seNgezi Platinum achiti kutungamira kwetarakita.

“Ligi richangotanga saka hatingatange kutaura zvekuhwinha mukombe wePSL nekuti tichangotanga. Isi tinoziva zvatiri kushandira mwaka uno, takahwinha gore radarika izvo zviri kutituma kuti tirambe tichishanda nesimba mwaka uno tihwinhe zvakare,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Izvo zvikwata zviri kutungamira ngazvitungamire hazvo tichazvibata hedu tinozviziva, kutungamira kwetarakita.”

Zvakadai, Ndiraya anoramba mashoko aya achiti zvikwata zviri kutaura mashoko aya zviri kutoshuvira kusvika pavari asi vari kukundikana.

“Handifunge kuti kutungamira kwetirakita kwatiri kuita uku nekuti tashanda nesimba kuti tisvike patiri ipo pano. Vanoti kutungamira kwetirakita ivo vari kukundikana sei kuve vari patiri pano?

“Hongu, mwaka wakareba asi isu tinofanirwa kuramba tichishanda nesimba kuti tigohwina mukombe,” anodaro.

Anoti Ngezi Platinum icharwa semvumba kuti ichengetedze zvakare mukombe wayo weChibuku Super Cup uyo yakahwina gore radarika apo yakakunda FC Platinum 3-2 mufainari iyo yainakidza kukunda ngoma kurira.

Ndiraya anoti kana vapedza kuchengetedza Chibuku Super Cup vanobva vaendera mukombe wePSL.

“Chibuku Super Cup hatisi kuzoisiya ichienda, ticharirwa kuichengetedza zvakare nekuti ndeyedu kana taichengetedza toendera PSL asi tinoziva kuti mutambo uchiripo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links