Hatitye: Nhamoinesu

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Hatitye: Nhamoinesu

Kwayedza

. . .‘Zvevaya vane mazita makuru hazvina basa’

Mugove Chigada ari kuFRANCEVILLE, kuGabon—

MUTAMBI wemaWarriors, Costa Nhamoinesu, anopikisa mashoko anoti vatambi venhabvu vekumhiri kwemakungwa, avo vari kutambira zvikwata zvenyika dzavo kuAfrica Cup of Nations, vanotyisa kutamba navo.

Nhamoinesu, uyo anotambirawo chikwata cheSparta Prague chekuCzech Republic, mumwe wavatambi veZimbabwe vakatamba mumutambo wemaWarriors neAlgeria apo vakaita mangange 2-2 kuFranceville nemusi weSvondo wadarika.

Mutambi uyu ndiye anodzikamisa vatambi vekumashure uye anoti sezvo vakakwanisa kuratidza hushingi pamutambo wavo neAlgeria, hapana chinokona paSenegal iyo yavari kutamba nayo nemusi weChina chino.

Tunisia ndicho chimwe chezvikwata zviri muboka rine Zimbabwe uye zvikwata zviviri izvi zvichatamba musi wa22 Ndira.

“Kana tichitamba, tose takafanana – tingori vanhu. Saka hatifaniri kutya vakomana vonotambira zvikwata zvine mukurumbira,” anodaro Nhamoinesu.

Kuchikwata cheSenegal, mutambi ane mukurumbira wakanyanya ndiSadio Mane, uyo anotambira Liverpool kuEngland.

“Tinovaziva uye tinovaremekedza. Asi hazvireve kuti tinofanira kuvatya. Vanotamba vari gumi nemumwe uye isu tirimowo takadaro. Zvoreva kuti isu tine mukanawo wakakura tikabatana tichirwa pamwe chete,” anodaro Nhamoinesu.

Chikwata chemaWarriors chine vatambi vana vonotambira kuEurope vanoti Nhamoinesu, Marvelous Nakamba ari kuHolland, Tino Kadewere ari kuSweden naKnowledge Musona anotambira kuBelgium.

Asi pavatambi ava, Nhamoinesu ndiye oga akawanikwa achitora chikamu chikuru pakutambira Zimbabwe pavakasangana neAlgeria.

Nakamba aisatenderwa pamutambo wekutanga mushure mekupihwa makadhi ekusatamba zvakanaka nevamwe vezvimwe zvikwata mumitambo yekuenda kuAFCON 2017.

“Nakamba mutambi watinotarisira zvikuru kubva kwaari. Zvichireva kuti kusavapo kwake pamutambo weAlgeria, zvaitikanganisa. Asiwo waivewo mukana wekuti vamwewo vatambe,” anodaro Nhamoinesu.

Mumwewo mutambi vekuEurope, Kadewere, haana kusarudzwa nemurairidzi wemaWarriors – Kalisto Pasuwa – kuti atambe pamutambo neAlgeria.

Musona akakuvara mushure menguva duku-duku mutambo uyu watanga zvikaita kuti aburitswe.

Anotungamirira maWarriors, Willard Katsande, anoti kukuvara kwaMusona kwakavadzosera kumashure.

“Ruzhinji rweZimbabwe rwunoziva kuti Musona mutambi akaita sei. Mutambi akatibatsira zvikuru kuti tisvike kuno (kuGabon). Zvino tarasikirwa nezvimwe zvaanogona zvisingagonekwe nevamwe. Musiyano tinouona kana asimo asi tichashingirira zvakangodaro,” anodaro Katsande.

Izvi zvoreva kuti Zimbabwe iri kunyanyoshandisa vatambi vanotambira zvikwata zvemuAfrica panguva iyo Algeria neSenegal vane nyanzvi dzinotambira kuEurope.

Zvakadaro, pane tarisiro huru yekuti vamwe vanotambira muZimbabwe nekuSouth Africa vangangogumisira vawana zvikwata zvekunze kweAfrica zvinovada.

Mumwe wevatambi vaita mukurumbira ndiKhama Billiat, uyo anotambira Mamelodi Sundowns yekuSouth Africa.

Mushure mekunge aratidza hunyanzvi pamutambo wemaWarriors neAlgeria, vanhu venyika dzakasiyana-siyana kuGabon vari kubvunza nezvake.

Katsande anoti Khama akavabatsira zvikuru.

“Tose tinoziva kuti Khama anotamba bhora sei. Kugona kwake kunotidadisa. Tinoramba tichitarisira kuti acharamba akadaro,” anodaro Katsande.

Mumwewo wevatambi ari kubvunzwa nezvake ndiKudakwashe Mahachi. Mbiri yaMahachi yakatangira kuCameroon uko maWarriors vakatamba mutambo wehushamwari wekupedzisira vasati vaenda kuGabon.

Mahachi ndiye zvakare akanwisa bhora rekutanga mumutambo wavo neAlgeria achiteverwa naNyasha Mushekwi.

Mutambi Riyad Mahrez weLeicester ndiye akanwisira Algeria zvibodzwa zvose kuti mutambo uyu uzopera ari mangange.

Pasuwa anotiwo kutamba kwakanaka kwemaWarriors kungangoita kuti Zimbabwe iite nyanzvi dzakawanda dzinoenda kunotambira mhiri kwemakungwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey