‘Haundirambe zvekumhanya’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti ari kutyira upenyu hwake sezvo aimbove murume wake achigara achida kumubaya nebanga senzira yekumumanikidza kuti vadzokerane.

Pepertua Ndlovu akamhan’arira Gift Mulamulo kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Changamire, ndauyawo kuno kuti mundibatsirewo. Baba ava vandishungurudza. Anoramba kurambwa achiti ndikamuramba anondiuraya nebanga kana kundipisira mumba, hanzi ticharambaniswa nerufu,” anodaro Ndlovu.

Anoti Mulamulo ane tsika yekuenda kubasa kwake achimutuka.

“Anouya kubasa kwangu achindituka achiti haundirambe zvekumhanya saka ndave kutotya nekuti handichazive zvaari kufunga, anogona kungondiuraya,” anodaro Ndlovu.

Mulamulo anoti haapikisane nechikumbiro chaNdlovu chekupihwa gwaro redziviriro achiti kana iyewo anoda runyararo.

Mutongi Larzin Ncube akapa Ndlovu gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey