Hautangire vakuru kunhonga nyama

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Hautangire vakuru  kunhonga nyama

Kwayedza

. . . kana pakugeza mawoko zvimwe chete
Muchaneta Chimuka —

MBUYA Muchazivepi Muzavazi (66) vekuRushinga vabika sadza ravo rezviyo neusavi hwenyama yehuku iyo yavauraira kamuzukuru kavo Timmy (9). Vanopakura kuti vadye mundiro imwe chete nemuzuku mwana wemwanasikawa wavo uyu vagere zvavo pamumvuri wezimuti remuwonde uri pachivanze chavo.

Vachingotanga kudya, Timmy anongoseva musova wekutanga mumuto wakanyatsotsukira, obva anhonga nyama yechidya chejongwe rehuku raaurairwa naambuya vake semwana akauya kuzororo rezvikoro achibva kuHarare. Mbuya vanongoyeva zvaitwa nekazukuru kavo asi vasati vamutsiura, anodzosera nyama yaadzandabvura dzandabvura mundiro, ndokunhonga imwe.

Nechemumoyo Mbuya Muzavazi vanongoti, “Hezvo, mwana uyu zvaasina hunhu, kutangira vanhu vakuru kunhonga nyama? Kana chiri icho chiRungu, bva tsika nehunhu zvaenda kumawere.”

Chembere iyi inozonhonga nyama kekutanga apo muzukuru atopedza nazvo, anhonga yechipiri.

“Vana vemazuva ano havambokendenga kuti munhu mukuru ndiye anofanira kutanga kunhonga nyama mundiro. Asi nerimwe divi ndinopa mhosva kuvabereki vake nekuti ndivo vasina kumuraira tsika dzakanaka,” vanodaro VaMuzavazi nechemumoyo.

Chinobuda pachena ndechekuti Timmy ari murima zvake patsika — haatomboziva kuti kana achidya nevakuru mundiro imwe chete, haatange kunhonga nyama asi kuti anotonhongerwa.

Mwana uyu haisi mhosva yake, asi kuti kuHarare kwaanogara nevabereki vake, anodyira mundiro yake oga zvekuti hapana wekumirira pakunhonga nyama.

Kwayedza inoita ongororo pamusoro petsika dzezvinotarisirwa pachivanhu panguva yekudya sekunhongera vadiki nyama ndokunzwa zvakasiyana-siyana.

SEKURU ELSON ZAMBI

Sekuru Elson Zambi (88) vekuChivhu vanoti tsika yekudya pamwe chete yakakosha zvikuru kuvanhu vatema nekuti inoumbiridza hukama.

“Kare isu takangokura tichidya pamwe chete nekuti kwakanga kusina nyaya yekusemana. Taiva nerudo rwechokwadi mumhuri dzedu nevataigarisana navo. Sadza raingobikwa mubhodho rimwe chete ropakurirwa mudhishi zvimwe chetezvo nemuriwo waingokuturirwa muzindiro.

“Taigara pasi takati varume kwavo, vakadzi kwavo zvimwe chetezvo nekuvanasikana nevanakomana. Kana pava pakugeza mawoko, taingogeza mudhishi rimwe chete richitenderera rakadaro munhu wese achigeza hazvinei nekuti mvura yasviba, vanhu vaingogeza — zvichienda nehukuru hwavo — vodya pamwe chete pasina anorwara,” vanodaro.

Sekuru Zambi vanoti kunyangwe pavaiseva nemukaka chaiwo, waingodirwa muzindiro rimwe chete vachingokambura nekunanzvira zvigunwe.

“Pakunhonga nyama, mukuru pane vose ndiye aitanga kunhonga, oisa muruwoko achiteverwa neanomutevedzera kusvika tasvika kumudiki kune vose. Nyama yainhongwa neruwoko rwerudyi ichiiswa kuruboshwe, yobatwa yakadaro munhu achidya sadza nemuto. Nyama yaitozodyiwa vanhu vapedza sadza,” vanodaro Sekuru Zambi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Asi mudiki kana achinge awana nyama diki, vamwe vose vaimumedurira zvekuti aitozogumisira ava nenyama yakawanda kupinda vose. Hapana aikanganwa kuona kuti mudiki awana nyama yakadii nekuti zvaitotariswa izvozvo.

“Kana izvi zvikasaitwa, kazhinji kacho ainzwikwa ave kukwetsura mhere vakuru vouya vomupakurira imwe kana kutaurira vamwe kuti vamumedurire.”

Sekuru Zambi vanoti kunyangwe tsika iyi ichiita seyekare, kune vamwe vachiri kuitevedzera mumaguta nekumaruwa.

Vanodzokorodza vachiti hakuna mudiki aitangira vakuru pakunhonga nyama nekuti vana vaitokura vachirairwa tsika iyi. Pamwe pacho mudiki aitoita nyama yekunhongerwa otambidzwa mumawoko.

“Pakutambidzwa ipapo, haaingotambira asi kuti aitanga atoombera.

“Kune vamwe vanoti tsika dzekuti dzakasaririra asi ndinoti kwete, nekuti zvichiriko. Kune vamwe vaya vanoseka tsika dzechivanhu vachiti dzakasaririra, tichaona vave kudzokera kwadziri kana zvava kuvanetsa nekuti hazvitumwi vanhu asi zvinongoitika zvoga.

Vamwe nekunetsa kuri kuita chikafu, tava kuona vachingodya pamwe chete nekuti vari kuona kuti vakakamure-kamure vachiti mumwe nemumwe pake, chikafu chacho chinobva chaperevedza,” vanodaro vachiseka zvavo.

Elvis Kache (15) wekuChitungwiza anoti zvakanaka kuti vanhu vadye pamwe chete nekuti zvinounza mweya wekubatana.

“Kudya pamwe chete handioni paine chakashata nekuti zvinoita kuti kana vana vaye vasinganyatsodya vari voga vafarire chikafu. Unotoona kuti kudya kwekuita makwikwi kunonakidza nekuti munhu wose anenge achidya kuti asapedzerwe uye hakuna chikafu chinosara chichikandwa mumabhini,” anodaro.

Anoti pamba pavo vanodya mundiro imwe chete nevamwe vadiki uye vanozvifarira.

Zvisinei, hanzvadzi yake Memory Kache (20) anoshora tsika yekudya pamwe chete iyi.

“Ini hangu handizvifarire zvekuti vanhu vadye pamwe chete nekuti zvinounza zvirwere. Senge munguva ino yezvirwere zvemanyoka setyphoid, vanhu vanogona kutapurirana zvirwere izvi zviri nyore nekuti zvinokonzerwa nehuchapa hwakadai sekugeza mudhishi rimwe chete nekudya pamwe chete.

“Mumwe munhu anogona kunge asina kucheka nzara dzake, dziine tsvina saka paanogura musuva anobva asiya tsvina muchikafu mumwe ogura sadza rine tsvina riye vanhu vogumisira vorwara. Munhu anongofanira kudya pake oga,” anodaro.

VaFriday Chisanyu

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioner’s Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti kudya mundiro imwe chete kunosimbaradza kubatana.

“Kazhinji nyaya dzekuisirana muchetura dzinobuda zvikuru apo munhu anopakurirwa pake oga. Hamuoni kana parufu vamwe vanhu vachibva vasina kudya, nekuti chikafu chinenge chichipihwa munhu ari oga saka mikana yekuurayana inowanda,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti vana vanokura vachidya vakati mumwe nemumwe pake oga vanoita makaro ekutokundikana kubatsirana pachavo, kunyangwe pavanokura nokuti vanenge vakakudzwa nenzira ine humbimbindoga.

“Kudya pamwe chete kunobatanidza vanhu. Kubvutidzana kunoita vana apo vanodya pamwe chete kunoitawo kuti vakure vakagwinya.

‘‘Ndokusaka kana zviya mukasimudza mwana wekumusha newemudhorobha munotoona musiyano nekuti wekumusha anenge aine huremu hwakawanda nekuti vanodya vachiita makwikwi — mundiro imwe chete. Mwana akadya ari ega anoyema nekunyima,” vanodaro. Vanoti chikafu chinoumba ukama ndiko kusaka kana vanhu vachinge vashanya vachitanga kupihwa chikafu.

“Pakunhonga nyama, mukuru ndiye anotanga kuchitevera vadiki uye izvi zvinoitirwa kuti vadiki vave neruremekedzo kuvanhu vakuru.

‘‘Kunyangwe mazano aanozotaura anokasika kutambirwa nekuremekedzwa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Achipawo pfungwa dzake panyaya iyi, mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi reutano nekurerwa kwevana (Director of Disease and Epidemiological Control), Dr Portia Manangazira, vanoti panzvimbo dzose dzinodyiwa chikafu vanhu vakaungana, pane mikana yekutapurirana zvirwere nekudaro zvinofanira kuitwa nenzira ine utsanana mukati.

“Tinongokurudzira vanhu kuti panguva iyo vanotevedza tsika dzavo, ngavasakanganwa nyaya dzekuchengetedza utsanana nguva dzose nekuti kazhinji panoungana vanhu mikana yekupararira kwezvirwere zvakadai sezvemayoka. Ndiko kusaka tichikurudzira kuti vanhu vageze mawoko vachiita zvekuchururudzirana mvura nekuti tinoda kuderedza mikana yezvirwere zvinotapuriranwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links