hayo marambadoro!

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
hayo marambadoro!

Kwayedza

— Baba mumagumbeze evana pfe vari musvo

Lizzy Mushoriwa
MURUME saimba anonzi ane marambadoro zvekuti kana akadhakwa nedoro anofamba pamberi pevana vake ari musvo.

Nomatter Matanhire akamhan’arira Webster Matanhire kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza zvose nevana.

“Baba ava vane tsika yekundirova nekundituka uye vanoshungurudza vana. Saka ndinoda kuti vamiswe hunhu hwavo uhwu.

“Vane tsika yekufamba vari musvo pamberi pevana uye iyi ndiyo imwe nyaya yatakarambirana.

“Vakanzi vabve pamba patakagurisa muchato asi nanhasi havasati vabva, saka ndinoda kuti mundibatsirewo ipapo,” anodaro Nomatter.

Webster anoudza dare kuti haana kumbobvira afamba ari musvo pamberi pevana vake, asi kuti rimwe zuva akarasika husiku akadhakwa achibva kuchimbuzi ndokusvikopinda mumagumbeze evana.

“Changamire, ndinokumbirawo ruregerero nekuti doro ndiro rakaita kuti ndidaro, uye zvakangoitika musi mumwe chete.

“Ndakamuka ndichienda kuchimbuzi apo ndainge ndakadhakwa husiku, pakudzoka ndokubva ndarasika musiwo ndikasvikowira mumachira evana uye ndainge ndakatopfeka. Amai vanonyepa ava,” anodaro

Anoenderera mberi achiti: “Pamba handina kuramba kubva asi ndichabva kana ndatambira mwedzi uno (Chikunguru).”

Mutongi Amanda Muridzo akapa Nomatter gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey