‘Hazvichanakidza izvi’…DeMbare ndiyo iri kungotamba yoga: Mubaiwa

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Hazvichanakidza izvi’…DeMbare ndiyo iri kungotamba yoga: Mubaiwa

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTUNGAMIRI wechikwata cheDynamos Football Club, Kenny Mubaiwa, anoti nhabvu inotambwa muPremier Soccer League yadzikira zvikuru nekuti zvimwe zvikwata hazvichakoshesa kukwikwidzana. DeMbare kana kuti maGlamour Boys yave nemakore mana ichihwina mukombe wePSL uye gore rino iri kurwira kuti iutore kechishanu mumakore akatevedzana. Makore mana adarika, pose DeMbare payange ichihwina mukombe uyu, paiita chimwe chikwata chayairwisana nacho chitsva kusvika pazuva rekupedzisira.

Kare vatsigiri venhabvu vaiziva kuti mukombe wePSL waibvutidzanwa pakati peDynamos, CAPS United neHighlanders izvo zvisiri kuitika mumakore mana adarika sezvo DeMbare ichingotiza nawo pazuva rekugumisira.

Zvikwata zvakaita seZPC Kariba, Harare City, FC Platinum neHighlanders makore adarika ndizvo zvaimbovhundutsira zvichida kutorera Dynamos mukombe uyu asi zvaisara zvakabata mhepo pazuva regupera kwemakwikwi.

Mubaiwa anoti zvikwata zvose zvinokwikwidza muPSL zvinofanirwa kukwidziridza masokisi azvo kuti nhabvu yemuno isimbe nekunakidza.
Anoti kunyangwe zvazvo vachifarira kuhwina mukombe uyu, hazvinakidze kuti DeMbare ingoonekwa ichihwina iyo bedzi.

“Isu kuDynamos tinoremekedza nhabvu zvakanyanya kwete zviri kuitwa nezvimwe zvikwata zvinokwikwidza muPSL. Zvimwe zvikwata zviri kungotambira kuve muPSL chete asi handizvo, chikwata chese chinofanirwa kurwira mukombe, kwete kungonzi uri muPSL.

“Chokwadi zvimwe zvikwata zviri kutiregerera, zvinofanirwa kukwidziriridza masokisi azvo uye zvorwira kutitorera mukombe,” anodaro Mubaiwa.

Mwaka uno Chicken Inn FC iri kutamba nhabvu inodakadza uye ndiyo iri kutungamira pamakwikwi aya pari zvino, izvo Mubaiwa anoyemura asi anoti zvimwe zvikwata zvakaita seHighlanders neHow Mine zvekuBulawayo zviri kugeda-geda sezvo zvisiri kunyatsotamba sezvazvinotarisirwa kuita.

Anoti muPSL munofanirwa kuita zvikwata 10 zvinorwira mukombe wePSL pozoita zvimwewo zvinongova ana “gudzamudungwe”. “Mukatarisa bhora redu harisi kusimuka nekuti tinenge tiri kurwira mukombe tega. Zvimwe zvikwata zvinoita kunge zvisipo izvo zvave kuita kuti bhora racho risanakidze.

“Panofanirwa kunge paine zvikwata kana 10 chaizvo zvinenge zvichirwira mukombe wePSL kuti mitambo yacho inakidze.
“Chicken Inn iri kutamba zvinodakadza chaizvo mwaka uno, ndizvo zvatinotarisira kubva kune zvimwe zvikwata.”

Kunyangwe zvazvo achiti zvimwe zvikwata zviri kuregerera Dynamos panyaya yekukwikwidza muPSL, Mubaiwa anoti mwaka uno chikwata chake hachina kutanga zvakanaka uye kana vakatadza kuhwina mukombe inenge iri mhosva yavo.

Anoti aimbove murairidzi weDeMbare, David Mandigora, akavadzosera shure zvikuru ndokusaka vakazomudzinga pabasa. “Isu tinoda kuhwina chete. Asi kana tisiri kuhwina tinotsvaga nzira dzekugadzirisa panenge pachikanganiswa. Ndokusaka takamisa aimbove murairidzi wechikwata chedu basa, nekuti naye hapana kwataisvika.

“Chikwata chedu hachisi chekuti unouya kuzodzidzira kurairidza kwete, tinotoda kuhwina, enda unodzidzira kumwe,” anodaro Mubaiwa.
Zvakadaro, mumitambo yePremier Soccer League iriko svondo rino, DeMbare ichange iri pamusha payo ichasangana neHarare City kuRufaro.

MUGOVERA 
How Mine FC vs Chicken Inn FC Luveve Stadium 1500hrs
ZPC Kariba FC vs Caps United FC Nyamhunga Stadium 1500hrs

SVONDO
Triangle United FC vs Flame Lily FC Gibbo Stadium 1500hrs
Dynamos FC vs Harare City FC Rufaro Stadium 1500hrs

Share This:

Sponsored Links