Hazvisi zvemabhuku bedzi. . . vana vepaQueen Elizabeth vakapinda basa kuK wayedza

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Hazvisi zvemabhuku bedzi. . . vana vepaQueen Elizabeth  vakapinda basa kuK wayedza Dorrit Mwanza (kubva kuruboshwe), Monalisa Madzeko naNatalie Chasiya

Kwayedza

Dorrit Mwanza, Natalie Chasiya naMonalisa Madzeko
CHAKANAKA chakanaka mukaka haurungwe nemunyu!
Tinofara zvikuru nemukana watakawaniswa nekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, wekuziva mafambisirwo ebasa renhau apo takaita svondo rose tiri kubepanhau reKwayedza. Pamazuva ekutanga, hana dzedu dzakange dzisina kugadzikana sevana vechikoro uye nekuti takange tisina ruzivo rwekuti zvinhu zvaizofamba sei. Asi takazodzikama nekufamba kwenguva.

Izvi zvinoda kuzvionera pamhuno sefodya nokuti takakwanisa kuenda kunzvimbo dzakasiyana dzinosanganisira kumatare edzimhosva, kuHarare Civil Court tichinotapa nhau tiriko. Kuburikidza nekunotapa nhau kumatare edzimhosva, takadzidza zvakawanda pamusoro pezvinoitika muupenyu hwevanhu.

Asi basa guru rakazosvika nemusi weChitatu, 10 Nyamavhuvhu apo “takakandwa kwacho kwakadzika” mukutapa nhau. Tiri vatatu kudai, asi tichiperekedzwa nevagara mubasa iri, takanzi tinoferefeta nyaya inonetsa kuwana, yemumwe mukadzi anoti anosvikirwa naMbuya Nehanda uye achigara musango.

Takaenda nemota yebasa kurwizi Hunyani, kuChitungwiza, tiine mutori wenhau mukuru Kingstone Mapupu naAmager Mufema. Pahutatu hwedu, hapana aiziva zvataizonosangana nazvo. Asi takanoita mahwekwe nezvinhu zvechinyakare izvo zvataive tisati takamboona muupenyu hwedu.

Tiri munzira kuenda kurwizi rwaHunyani uye taburuka motokari kuti tinosvika kwaive nenyaya yataida, takaita jambwa rekusangana nemusvesvenenga wenyoka huru iyo yaityisa zvikaita kuti Natalie avhunduke ndokubereka tsoka achitiza zvakakatyamadza vamwe vose.

“Ini muupenyu hwangu hwose handisati ndakambosangana nenyoka mhenyu saka ichi chinhu chandishamisa zvekusara ndakabata hana mumawoko,” akadaro Natalie oita serutsanga rwuri mumvura kudedera.

Patakasvika panzvimbo inogara mudzimai anoti anosvikirwa nemudzimu waMbuya Nehanda uyu, takatambirwa nenzira yakatishamisa, yekuzoreswa bute pasi petsoka dzedu pamwe nekubvisiswa shangu tisati tapinda panzvimbo inonzi inoera.

Svikiro iri rinogara nevamwe vanhu pachitsuwa chiri pakati perwizi urwu. “Ndava nekutya kukuru sezvo ndisati ndambobata bute muupenyu hwangu uye zvandipa kudzamisa pfungwa ndichitya kuti iyi inzvimbo yakambomira sei. Ndava nemubvunzo nhando washaya anopindura,” akadaro Dorrit tichangobva panzvimbo iyi.

Tichiri ipapo, hana dzedu dzakatanga kurova kunge manhanga ari kukwata apo takanga tave kunzwa kuremerwa nenzvimbo yatakange tasvika iyi, apo takabvunzwa mitupo yedu tose uye nokupihwa mhandire kuti tidye.

“Semunhu ange asati ambosvika panzvimbo yakadai, ndakashamisika kunzwa mbuya iyi ichiti inoera mutupo sewangu, uye kuti vange vave nekakundifarira kandisina kunzwisisa,” anodaro Monalisa. Zvisinei, takakangirwa mhandire panzvimbo iyi idzo takaita chipata-pata kudzidya sezvo dzainaka zvikuru.

Handisu bedzi takatorwa moyo nemhandire idzi asi kana Mufema nemutyairi weZimpapers, Joram Muchina, vakasvika pakudzibvutidzana zvakaita kuti tizokangirwe dzimwe. Zviya zvekuti taive musango takazvikanganwa.

Takashamiswa kuonawo Mapupu achikandirwa hakata apo aiudzwa zveupenyu hwake nemukadzi uyu, uyo aiputa bute zvakanyanya. Mapupu akabvumirana nezvaive zvataurwa pamusoro peupenyu hwake nesvikiro iri.

Pakazoburitswa dehwe guru reshato iro rinonzi nemukadzi uyu anogara naro achiriisa mumvura yaanogeza. Dai taive kuchikoro nevamwe vedu ndipo pataiti, “Mahwani aye atanga.” Patakaona dehwe iri, takavhunduka zvakanyanya ndokuita zhowe-zhowe tichitya.

Takaonawo chishamiso cherwaivhi rwainzi rwakange rwave nemwedzi mitanhatu rwusingabve panzvimbo iyi, kana kufamba bodo!Takazopedza zvedu hurukuro nesvikiro iri ndokudzokera kumahofisi eKwayedza, nyaya yatainge tafambira tava nayo.

Zvose izvi zvakatiita kuti tive neruzivo rwemabatirwo ebasa rekutapa nhau uye takagutsikana kuti nhau dzose hadzingowanikwa nyore. Tinoda kutora mukana uno kutenda Mupepeti weKwayedza Patrick Shamba nekutiwanisa mukana wekudzidza mabatirwo ebasa rekutapa nhau. Hatikanganwe News Editor Tandayi Motsi, Mapupu, Daphne Machiri, Tafadzwa Mutsotso, Malven Mugadzikwa naMufema avo vakaita kuti nguva yedu tiri kubepanhau rizere nenyaya dzinofadza nekudzidzisa iri itinakire.

Tinoshuvirawo kuwaniswa mukana wakadai nemamwe makambani munguva inotevera sezvo takadzidza zvakawanda pataive kuKwayedza.

Share This:

Sponsored Links