Uncategorized

Chitunha chakavigwa muchechi

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Chitunha chakavigwa muchechi

Kwayedza

l Ichi chipini: Mambo Njelele

Kingstone Mapupu

MAMBO Njelele, VaMoses Misheck Njelele vekuGokwe vanoti vachiri kushamiswa zvikuru nekunzwa kuti pane chitunha chemumwe mukadzi weko icho chakachererwa guva ndokuvigwa mukati meimwe chechi ikoko.Mambo ava, avo vane dunhu rine mbiri nekungoitika zvishamiso, vanoti kuvigwa kwakaitwa chitunha chemukadzi uyu muchechi zvinopikisana netsika nemagariro enzvimbo yavo uye vari kutora matanho.

Izvi zvinotevera nyaya yekuvigwa kwemudzimai wemukuru weAnglican kunzvimbo yeGokwe Centre muchechi chaimo nemusi weMugovera svondo rapera.

“Ndine hanzvadzi dzangu dzakanga dziripo pakaitika izvi idzo dzakasvika dzichinditaurira nezvenyaya iyi. Ndakangoti, zvino kana kunamata kwave kudaro, tichadii manje?

“Izvozvi ndiri kuHarare uye ndichadzokera neChitatu (svondo rino). Ndichasvikotuma mapurisa angu nemasamanisi kune vakaita izvi totsvaga nzira yakakodzera yekuranga vanhu vakaita chipini chakadai ndokunge tikavabata nemhosva,” vanodaro Mambo Njelele.

Vanoti chiitiko ichi ndechekutanga mudunhu ravo.

Reverend Lazarus Muyambi, vanova muvambi wechechi iyi mudunhu iri, vanonzi ndivo vakaviga mutumbi wemudzimai wavo, Neddie Muyambi, mukati mechechi. Rev Muyambi vanonzi vakasiya basa rehufundisi kuAnglican uyewo ndivo muvambi wechikoro cheChita Chezvipo Zvemoto (CZM) Primary, Gokwe St Agnes Children’s Home, Healing School nechikoro cheLogos Boarding.

Zvakadaro, mukuru wechikoro cheCZM, uyo akangozivikanwa nekuti VaMaruku, vanoti nyaya yekuvigwa kwemutumbi wemudzimai uyu iri kutorwa nepasipo sezvo vachiti chitunha ichi hachina kuvigwa muchechi chaimo.

“Nyaya iyi iri kutorwa zvisizvo, hongu mutumbi wakavigwa asi kwete muchechi chaimo. Chechi yedu ine makamuri matatu, kune divi remasisita (sister), koita divi rechechi huru yeruzhinji, kozoita kunonamatirwa vanhu vanorwara — kuHealing Centre — kunova kwakavigwa mutumbi waamai ava.

“Umu hamusi muchechi, ndekunonamatirwa varwere chete zvakare ndivo vakavaka Rev Muyambi nemudzimai wavo. “Hatione chakaipa isu pakuti mutumbi uyu uvigwe panzvimbo iyi,” vanodaro VaMaruku.

Vanoenderera mberi vachiti: “Regai ndigokutsvagirai nhamba dzaRev Muyambi mutaure navo, musatye ndinokupai nhamba idzi.

“Hongu tiri veAnglican, tiri pasi peDiocese yeMidlands, vanotaura nemi ivo Rev Muyambi.”

Rev Muyambi pavakaridzirwa nhare neKwayedza, nharembozha yavo pamwe chete neyaSister Ferby, avo vainzi vane kodzero yekutaura nezvenyaya iyi, vose nhare dzavo dzaingoririra pasina aidavira. Mukuru wechechi yeAnglican kudunhu iri kuchikamu chinodaidzwa kuti Diocese of Central Zimbabwe, vane muzinda muGweru, Bishop Ishmael Kuwanda, havanawo kukwanisa kubatika kuti vataure pamusoro penyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links