hiv/aids: Moto ngaudzimwe

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
hiv/aids: Moto ngaudzimwe

Kwayedza

cathrine
HUWANDU hwevanhu vari kutapurirwa utachiona hweHIV pari zvino hwaderera kana zvichienzaniswa nemakore adarika, vanodaro VaAmon Mpofu, avo vanova monitoring and evaluation director kusangano reNational Aids Council. VaMpofu vanoti huwandu hwakaderera kuenda pavanhu 242 pazuva gore rapera kana zvichienzaniswa ne348 muna2001.
Iyi inhau yakanaka uye tikaramba takasunga tinotaura zvimwe.

Zvisinei hazvo kuti izvi zvinofandza asi vanhu 242 vakawandisa kunzi vachiri kubata utachiona hweHIV muzuva ranhasi. Tinotarisira kuti pasatombove nemunhu anobata utachiona hweHIV mugore rino. Izvi zvinogoneka kana vanhu vakamira nemudiwa mumwe chete akavimbika uye kushandisawo dziviriro yemakondomu.

Nenhau dzatinoverenga zuva rega-rega mubepanhau reH-Metro dzekuti mai nhingi vawanikidzwa vachiita cheupombwe nababa nhingi handione ramangwana rakajeka. Ava vanhu vatori vabereki vanofanirwa kunge vachipa vana gwara nedzidziso asi ndivo vari kubatwa mumambure ehunzenza.

VaMpofu vanoti huwandu hwevanhu vari kutapurirwa utachiona hweHIV hwakadzika kusvika pa1,1% kubva pa1,95 %. Vanoti senyika, hatisati tasvika pavanotarisira nekuti tinofanira kuganhura utachiona nechidimbu chose kusara kwava ne0,98 % mukupera kwegore rino.

Zvino kana zvakamira seizvi zvinoreva kuti pavanhu 242 chidimbu chepakati nepakati chinowanikwa chisisabate utachiona hweHIV. Zvorevawo kuti vanhu 121 ndivo vanenge vava kubata utachiona hweHIV tava mukupera kwegore rino.

Izvi zvinogoneka here? Hongu. Asi zvinoda kushandura mafambiro ekuti gumbo-mumba gumbo-panze, kuita vadiwa fararira, kuve nevadikani vezera rababa kana amai vako nekuda zvinhu kunge saga risingazari. Asi kana tichitarisa nhau yekuti zvirwere zvepabonde zviri kubhebha uye misha yakaita seMachipisa kuHighfield, Mbare neAvenues muHarare dziri kubvira, hazvingagonekwi.

Totarisa misha yakanzi yave nemutsauko uye zvirwere zvepabonde zvakadzika kuMabvuku, Tafara, Ruwa neEpworth tinoona kuti nemutowo uyu zvinogonekwa.

VaMpofu vanoti kune vanoita basa rekutengesa miviri yavo chikamu che42,6% vari kurarama neutachiona hweHIV. Kana kuruzhinji urwu kuchiwanikwa kuine bonde risina dziviriro izvi zvine njodzi huru yekutapurira utachiona hutsva.

Vanoti pakaparurwa chirongwa chekupa maARV muZimbabwe mugore ra2004, chikamu che5% kubva muzana ndicho chaive pachirongwa chemushonga. Mugore ra2014, chikamu che63,4% chaive chevanhu vakange vave pamapiritsi emaARV.

Chinangwa chesangano reNAC nebazi reutano nekurerwa kwakanaka kwevana ndechekuti chikamu che85% chevanhu vanorarama neutachiona hweHIV vange vave kuwana mishonga yemaARV, kune avo vanokodzera kuuwana.

Vane nzeve dzekunzwa vanzwa nekuti dai ari mwana nhau iyi ichitaurwa kusvika pari zvino ave mubereki ane mhuri yake. Kubva mugore ra1985 pakaonekwa utachiona hwekutanga muZimbabwe, tinofanira kunge tave kuti tasvika, hapachina munhu achabata utachiona hweHIV zvakare.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links