Hochekoche yeDrip Irrigation

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Hochekoche yeDrip Irrigation

Kwayedza

Nhoroondo:

NZVIMBO dzinosiwanisa veruzhinji mvura yepasi dzakadai sematsime, nzizi kana madhamu dziri kuramba dzichioma zvichitevera kushomeka kwemvura uye kusanduka kwemamiriro ekunze zvinova zviri kuita kuti nyika yeZimbabwe iwanikwe ichitarisana nedambudziko remvura.

Asi kune dzimwe nzira dziri nyore kwazvo dzinogona kushandiswa mukuchengetedza mvura, zvikuru sei kuminda.

Mhinduro:

Madiridziro edrip irrigation neMoneyMaker Manual Irrigation Pumps zvinobatsira mukuchengetedzwa kwemvura. Kuburikidza nedrip irrigation, mvura inenge ichienda kuzvirimwa pashoma nepashoma zvichibatsira kuti mwando unge uchidzika pasi pedyo nemidzi yezvirimwa.

Pakadai, zvirimwa hazvirasikirwi nemvura kunyangwe kukapisa sei asi kubvira kuvambwa kwakaitwa chirongwa chedrip irrigation varimi vashoma kwazvo vari kushandisa nzira yemadiridziro iyi. Drip irrigation inobatsira mukuchengetedza mvura uye murimi anowana goho guru.

Drip Irrigation ine hukama hwehoche-koche nemadiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps sezvo asingade simba guru rekuti munhu ange achizadza matangi emvura. Ruzivo urwu rwunobatsira varimi vadiki kuti vange vachibudirira mukurima kwavo, zvikuru munguva yekuomerwa.

Vamwe varimi vadiki vari munzvimbo dzakadai seChivi, Mutasa, Makoni, Guruve, Bikita, Masvingo, Gutu, Mutare neZvishavane vakatenga madrip irrigation kits madiki ane hurefu hwe250 square metres kuburikidza nemasangano akasiyana.

Chirongwa ichi chiri kutekeshera kune mamwe matunhu akadai seMudzi, Mutoko, Chiredzi, Buhera neZaka.

Asi zvinhu zvinorwadza kuti madiridziro edrip Irrigation mazhinji ayo akaiswa muminda yevarimi haasi kushandiswa nemazvo kana kuti haasi kushandiswa zvachose. Izvi zviri kuita kuti varimi varasikirwe negoho kana mari zhinji yavaizowana mushure mekutengesa zvirimwa zvavo.

Dambudziko riripo nderekuti varimi vazhinji vanoona sekuti madiridziro edrip irrigation anovapa basa rakanyanya nekuti vanenge vachifanira kutanga vazadza matangi emvura ane marita 180 kusvika 260 pamwe nekuona kuti mvura yaenda kuzvirimwa ichipombwa kubva kumatangi.

Nokudaro varimi vanokwanisa kushandisa madiridziro eMoneyMaker Hip Pump kuti vange vachipedza dambudziko rekutakura mvura yekuzadza matangi aya.

MoneyMaker Hip Pump haidhure uye inodhonza mvura inokwama marita 40 paminiti imwe chete ichiendesa mvura iyoyo kwemamita 200. Mvura iyi inogona kudhonzwa kubva kumatsime, nzizi, madhamu ichiendeswa kumatangi ane hurefu hwemamita 7 zvakare.

Madiridziro eHip Pump akakosha mukudiridzira zvirimwa, kupa zvipfuyo mvura yekunwa, kugeza matanga enguruve kana huku, kukanya zvidhinha nepakuvaka.

Vamwe varimi vanogona kutohayisa michina iyi vachiita mari. Regera kusaririra, shandisa madiridziro eMoneyMaker Hip Irrigation Pumps … Kisimusi ino uriritire mhuri yako nezvizvarwa zvinotevera!

 

Share This:

Sponsored Links