Hokoyo nemanyoka!

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Hokoyo nemanyoka! Salt and Sugar Solution

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Sangano rinosusukidza kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinoyambira veruzhinji kuti vangwarire zvirwere zvemanyoka, zvikuru munguva ino yeZhizha apo kuine michero yakaita semango nemazhanje.

Muchinyorwa charo, WAG inoti zvirwere zvemanyoka zvinoreva chinhu chose chinorambwa nedumbu remunhu uye zvizhinji zvacho zvinenge zvabva kudyiwa mukati menguva pfupi.

Zvirwere zvemayoka izvi zvinoita kuti munhu aite tsvina kanodarika katatu pazuva uye inenge yakawanda mvura. Manyoka anoita kuti muviri urasikirwe nemvura yakawanda kwenguva diki uye kana akanonoka kurapwa, munhu anogona kurasikirwa neupenyu. Manyoka anowanzobata vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa asi kunyangwe vanhu vakuru vanogona kurwara nawo.

Zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera, dysentery, typhoid kana manyokawo zvawo anonzi diarrhoea uye zvine zviratidzo zvakasiyana, zvisinei nekuti zvizhinji zvacho zvinenge zvichidyidzana.

Manyoka akamira sei?

Manyoka aya anongoerekana angotanga achigona kutora mazuva akawanda asati apera uye ndiwo anodaidzwa kuti acute diarrhoea. Anogona kuita masvondo kana kudarika (persistant diarrhoea). Kana manyoka achinge aine ropa inenge yava dysentery.

Kana manyoka achingoyerekana atanga uye munhu achirutsa zvakadzama, anogona kunge abatwa necholera. Zvisinei, munhu anogona kubatwa nemanyoka chiri chiratidzo chezvimwe zvirwere.

Zvinokonzera manyoka:

Manyoka anokonzerwa nemajemusi anobva mutsvina seyevanhu achienda mukanwa apo munhu anodya chikafu asina kugeza mawoko nemvura yakachena, inomhanya uye nesipo. Vanobika chikafu vanogona kubata kudya kana midziyo yekubikisa vasina kushambidzika mawoko avo, izvo zvinokonzera kupararira kwemanyoka.

Kunwa mvura inobva panzvimbo dzisina kushambidzika dzakadai sematsime kana zvibhorani kunokonzera manyoka zvakare. Kubata tsvina kana marutsi emurwere pasina kuzogeza mawoko munhu achizobata chikafu kana mapoto zvinokonzerawo manyoka.

Chikafu chinenge chisina kubikwa zvekuibva kana chiye chinenge chagara kwenguva refu chinounza manyoka. Kudya chikafu changa chichingomharwa nenhunzi kune njodziwo. Vana vasina utano hwakanaka kana vaye vane kwashi vane mikana mikuru yekubatwa nemanyoka.

Kune chimwe chikosoro chinogona kuita kuti munhu agumisire ava nemanyoka kana zvimwewo zvirwere.

Kudzivirira manyoka:

Yamwisai vana mukaka waamai woga kwemwedzi mitanhatu yekutanga yeupenyu. Onai kuti vana vane kwashi vawaniswa kudya kunovaka muviri kuti vagwinye. Kana wasarudza kupa vana vako mikaka iya yemumagaba, ona kuti yagadzirwa nenzira dzine utsanana nguva dzose.

Shandisai mvura yakachena nguva dzose kana kuifashaidza musati maishandisa mukugeza mapoto kana kubika. Musaitire tsvina, weti kana kuwachira mbatya dzenyu pedyo nenzvimbo yamunotora mvura yekunwa.

Onai kuti mvura yenyu nechikafu zvagara zvakapfidigirwa kuitira kuti zvisamharwe nenhunzi. Gezai michero kana miriwo musati maidya. Shandisai zvimbuzi nguva dzose pamunoita tsvina neweti muchiona kuti zvinogara zvakachena.

Gezai mawoko enyu nemvura inomhanya, yakachena nesipo nguva dzose, kunyanya musati mabata chikafu. Pisai kana kufushira marara kuitira kuti majemusi asatakurwa nenhunzi achienda kuchikafu.

Zvamungaite kumurwere wemanyoka:

Onai kuti munhu awana mvura kana zvinwiwa zvakawanda kuti adzoreredze mvura inorasika mumuviri. Murwere ngaawaniswe kudya kunovaka muviri. Rambai muchiyamwisa vana kakawanda kuitira kuti mvura iwande mumuviri.

Kana munhu achinge aramba achiita manyoka kwesvondo kana kudarika, zvikuru aine ropa, onai chiremba nekukasika.

Murwere wemanyoka kana achinge ava kuomerwa mukanwa asiri kudya kana kunwa zvinenge zvanyanya anofanira kubatsirwa nachiremba nekukasika.

Ipai murwere mvura ine chidimbu chechipunu chemunyu nemateaspoon matanhatu eshuga zvakasanganiswa mubhodhoro re750ml remvura uye zvakafashaidzwa sezvo izvi zvichiita kuti manyoka amire.

Mimwe mishonga yose inopihwa murwere ngaive yakanyorwa nachiremba.

 

Share This:

Sponsored Links