Hokoyo nemusoro wembudzi!

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Hokoyo nemusoro wembudzi!

Kwayedza

MOSES GARIRENYAMA yemusoro wembudzi ine munakiro wayo wakasiyana nedzimwe, izvo zvinoita kuti ifarirwe nevakawanda. VaMoses Garire vanove nyanzvi yekubika paimwe nzvimbo yekutandarira muHarare vanodonongodza twose nezvemabikirwo enyama iyi.

MAGADZIRIRO:

Chekutanga, tinobvisa mvere dzese dzinenge dziri mumusoro wembudzi.

Tinogona kuita izvi kuburikidza nekubvura pamoto kana kupara nezvisvo zvakamirira basa iri.

Chigezai musoro uyu nemvura yakachena uye inomhanya kusvika wachena.

MABIKIRO:

Cheka cheka musoro uyu kuita zvidimbu-dimbu zvenyama woisa mupoto yakachena.

Kwatisa nyama yako kwemaawa maviri nechidimbu. Kana ichinge yaibva, isa mafuta akakodzera, wocheka matomatisi nehanyanisi wokanda mupoto zvokwata pamwe nemunyu wakaringana.

Kazhinji nyama yemusoro wembudzi inobikwa yakasangana nenyama yemakumbo acho.

INODYIWA NEI?

Nyama yemusoro wembudzi inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana mupunga une dovi. Vamwewo vanofarira kuichachura yakadaro vachinwa zvose nemuto wacho.

 

Share This:

Sponsored Links