Homwe yekuvaka zvikoro. . . zvimwe 17 zvovakwa

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Homwe  yekuvaka zvikoro. . . zvimwe 17 zvovakwa Prof Mavima

Kwayedza

Paidamoyo Chipunza —
KUVAKWA kwezvikoro 17 zvepuraimari nesekondari munyika pasi pechirongwa che$20 miriyoni iyo yakabva kurutsigiro rweOpec Fund for International Development (OFID) kuri kutarisirwa kutanga mwedzi uno.

Vachitaura muhurukuro pamusangano wevakuru vezvikoro weNational Association of Primary School Heads (NAPH) muguta reHarare nguva pfupi yadarika, mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti kuvakwa kwezvikoro izvi kunotarisirwa kutora makore ari pasi pemaviri.

“Takatopedza zvizhinji zvinodiwa pamwe nekuwana vatichapa makondirakiti ekuita basa iri. Chasara inyaya dzemari. Mabhindauko ekuvakisa zvikoro izvi achatanga mwedzi uno uye tinovimba kuti achatora mwedzi mitanhatu zvichifambirana nezvakataurwa nevatakapa makondirakiti,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti Hurumende ine shungu dzekuti zvikoro zvinge zvichivakwa zviine nzvimbo dzekuitira mitambo, marabhoritari, dzimba dzevarairidzi nemidziyo yekushandisa yakakwana.

Zvikoro zvepuraimari gumi nezviviri nezvesekondari zvishanu ndizvo zviri kutarisirwa kuvakwa kuburikidza nehomwe iyi.

Zvikoro zviri kutarisirwa kuvakwa mudunhu reMashonaland West paSadoma Extension, Chehamba, Battlefields neTavoy.

Mudunhu reMidlands, vagari vekuBudiriro neNeta vachabatsirikana nezvikoro izvi.

KuMashonaland Central, zvikoro zvitsva zvichavakwa kuTengenenge, Claverhill neBelgonie apo kuMasvingo zvichavakwa kuChingwizi nekuNyuni.

Mudunhu reManicaland, nzvimbo dzeLawrencedale neSterksrooms ndidzo dzichabatsirikana uye kuMashonaland East kuchavakwa chikoro cheGood Hope.

KuMatabeland North kuchavakwa zvikoro zveKokoloza neJabulani kozoti kuMatabeland South chikoro chichavakwawo kuHlanganani.

Prof Mavima vanoti makambani achavaka zvikoro izvi anofanira kuzadzisa zvinodiwa nemagwaro matsva ekuvaka zvivakwa.

Vanoti gore rinouya, Hurumende, kuburikidza nemishandirapamwe yainoita nemapoka akasiyana, iri kutarisira kuzovaka zvikoro 100 pamwe nekuvandudza zvimwe 166.

Izvi zvichaderedza kushomeka kwezvikoro uko kune mukaha we2 056 pari zvino.

“Tiri kushanda pamwe nebhengi reInfrastructure Development Bank of Zimbabwe (IDBZ) mumabhindauko aya apo tinotsigirwa neruzivo rwemashandisirwo emari mukuvaka,” vanodaro Prof Mavima.

Zvakadai, vachitaura pamusangano wevakuru vezvikoro wakabva mukuitwa uyu, Prof Mavima vanovakurudzira kuti vafunge zvemhando yepamusoro uye kuti vafambise zvirongwa zvepachikoro semabhizimusi asi vachizviisa mupfungwa dzavo kuti bumbiro remutemo rinoti dzidzo ikodzero yemwana wose.

“Vakuru vezvikoro vakangwara vanoita zvinhu zvinoita kuti zvikoro zvavo zvibudirire uye mabhindauko anounza mari vachizoshandisa mari yacho mukusimudzira zvikoro zvavo. Mabhindauko makuru anoitwa pazvikoro ndeakadai sekuiswa kwemagetsi, mvura, zvimbuzi nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti mabhindauko aya anofambirana nechirongwa cheNew Curriculum icho chine chinangwa chekusimudzira vadzidzi munyaya dzemabasa emaoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey