Homwe yekuvaka zvikoro

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Sydney Kawadza naWalter Mswazie —
VANA vechikoro vachange vave kubhadhara chikamu chemari inosvika 5% chelevy yavo kuhomwe itsva yekuvaka zvikoro yeNational Schools Building Fund (NSBF) kutanga gore rinouya.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima vanoti Hurumende pari zvino iri mushishi yekuti pave nemutemo unenge uchiona nezvemafambiro emari yehomwe iyi.

Vakataura mashoko aya nguva yadarika pagungano reZimbabwe Building Contractors Association Conference (ZBCA) uyo wakaitirwa kuMasvingo.

Vanoti homwe iyi inotarisirwa kubatsira mukuvakwa kwezvikoro munyika.

Hurumende, vanodaro Prof Mavima, yakatarisana nedambudziko rekushomeka kwezvikoro, apo vamwe vana vari kudzidzira muzvikoro zvine zvivakwa zvisina kukodzera kunge zvichifundirwa.

Hurumende yakadoma kare bhengi reInfrastructural Bank of Zimbabwe sachipangamazano wemashandisirwo emari pasi pehomwe yeNSBF.

Vanoti Hurumende ine chokwadi chekuti kana pakave nemutemo wakakodzera unobatsira kuti vatsigiri vave muchirongwa ichi zvizere.

Prof Mavima vanoti chirongwa chehomwe yeNSBF chinenge chichishanda zvimwe chete sezvinoitwa nehomwe yeAids Levy.

Zimbabwe pari zvino inoda zvimwe zvikoro 1 252 zvepuraimari ne804 zvesekondari kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.

Prof Mavima vanoti Hurumende iri kusangana nematambudziko ekuvaka zvimwe zvikoro yoga nekuda kwekushomeka kwemari.

“Pasi pehomwe iyi, vana vechikoro vachange vachibhadhara chikamu che5% chelevy kuNSBF.

‘‘Chirongwa chakadai chiri kushanda zvakanaka chose kune dzimwe nyika dzakasiyana uye bazi reutano nekurerwa kwevana rakaita zvimwe chetezvo nehomwe yeAids Levy,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti mari iri kupihwa kubazi redzidzo repuraimari nesekondari neHurumende yekuti rivake zvikoro iri kuperevedza.

“Zvikoro zvinopihwa mari iri pakati pe$4 000 ne$6 000 pagore yezvivakwa kubva kuHurumende asi inotora nguva refu kuti isvike kuzvikoro. Saka tiri kuti homwe yeNSBF inofanira kuvapo kuitira kuti ibatsirane ne$20 miriyoni kubva kuhomwe yeOPEC Fund for International Development mukuvakwa kwezvikoro,” vanodaro.

Pasi pehomwe yeOFID, Hurumende ichavaka zvikoro 17 zvepuraimari nesekondari zvemhando yepamusoro. — The Herald

Share This:

Sponsored Links