Hove dzakafashaidzwa

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

USAVI hwehove haungode kubikwa kuburikidza nekukangwa nemafuta chete, asi kuti zvinodawo kumbosandura musambo.

Svondo rino Judith Chekero wekuSunningdale 2, muHarare, anotsanangura pamusoro pekubika hove nenzira yekungodzifashaidza.

Zvinodiwa:

Hove nyoro, matomatisi, hanyanisi, garlic, munyu, mafuta, poto, chikari kana pani.

Mabikiro:

Para hove ubvise makwati ose.

Chidzitumbura wobvisa matumbu, wozodzigeza kusvikira dzachena.

Cheka hove muzvidimbu zvitatu.

Isa muchikari, wodira mvura shoma.

Panguva imwe chete iyi, ibva wacheka-cheka garlic, matomatisi nehanyanisi wokanda.

Isa zvakare chidimbu chechipunu chemafuta nemunyu wakaringana wosiya zvichikwata kwemaminitsi gumi.

Usapindure nekuti dzinodimbuka-dimbuka.

Kana hove dzaibva, dzinoonekwa nemuto wakakora.

Garlic inobatsira kuti hove dzisaite munhuhwi wadzinowanzoita dzisati dzabikwa.

Wozodii?

Chibura zvako unakirwe iwe! Munogona kudya hove nesadza kana nemupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>