Kwayedza
USAVI hwehove haungode kubikwa kuburikidza nekukangwa nemafuta chete, asi kuti zvinodawo kumbosandura musambo.
Svondo rino Judith Chekero wekuSunningdale 2, muHarare, anotsanangura pamusoro pekubika hove nenzira yekungodzifashaidza.
Zvinodiwa:
Hove nyoro, matomatisi, hanyanisi, garlic, munyu, mafuta, poto, chikari kana pani.
Mabikiro:
Para hove ubvise makwati ose.
Chidzitumbura wobvisa matumbu, wozodzigeza kusvikira dzachena.
Cheka hove muzvidimbu zvitatu.
Isa muchikari, wodira mvura shoma.
Panguva imwe chete iyi, ibva wacheka-cheka garlic, matomatisi nehanyanisi wokanda.
Isa zvakare chidimbu chechipunu chemafuta nemunyu wakaringana wosiya zvichikwata kwemaminitsi gumi.
Usapindure nekuti dzinodimbuka-dimbuka.
Kana hove dzaibva, dzinoonekwa nemuto wakakora.
Garlic inobatsira kuti hove dzisaite munhuhwi wadzinowanzoita dzisati dzabikwa.
Wozodii?
Chibura zvako unakirwe iwe! Munogona kudya hove nesadza kana nemupunga.
. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.